Dare reparamende, iro rakadaidzwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti rigare neChipiri, rapa hurumende mvumo yekukwereta mamiriyoni mazana matatu nemakumi masere emadhora kubva kubhanga rekuChina, vamwe vachigunun’una nemabatirwo enhengo dzeparamende nehurumende.
Vakasanobata nzvimbo yegurukota rezvemari, VaGorden Moyo, avo vanova gorukota rezvemakambani ehurumende, vakumbira nhengo dzedare iri kuti dzibvume kuti hurumende ikwerete mari iyi kubva kubhanga reChina Export-Import Bank, kana kuti Eximbank.
Mari iyi ichashandiswa pamabasa akasiyana siyana anosanganisira kuvandudza nhandare yendege yekuVictoria Falls.
VaMoyo vati hurumende inogona kurasikirwa nemari yakawanda kana paramende ikasaipa mvumo yekutora mari kuChina.
Vati hurumende yakatora danho rekukwereta mari kubva kuChina sezvo pasina zvimhingamupinyi zvakanyanya kuwana mari kubva kunyika iyi.
VaMoyo vatiwo kambani yekuChina iri kuvandudza nhandare iyi, yeChina Jiangsu International Economic Techincal Co-operation Corporation, yakatoshandisa mamiriyoni anodarika makumi matatu pabasa rayo.
Zimbabwe iri kukwereta mamiriyoni zana nemakumi mashanu emadhora pachirongwa ichi. Chibvumirano chekukwereta mari iyi chakasainwa kare negurukota rezvemari, VaTendai Biti, pamwe nemutevedzeri weEximbank, VaSun Ping.
Paramende yapasisawo chibvumirano chekuti Zimbabwe ikwerete mamiriyoni zana nemakumi mana emadhora ekuvandudza mabasa ekuwanisa vanhu mvura muguta reHarare. Chimwe chibvumirano chechitatu, ndechemamiriyoni makumi mapfumbamwe emadhora chekuti Zimbabwe ikwanise kutenga mishonga, nemishina yekushandisa muzvipatara.
Asi dzimwe nhengo dzedare iri hadzina kufara nekuti vatungamiriri muhurumende vari kuramba vachisiya paramende pazvibvumirano zvakakosha kunyika.
Vamwe vasina kufara nezviri kuitwa nehurumende, mumiriri weMarondera Central, VaIan Kay veMDC-T.
Mumiriri weNkulumane, VaThamsanga Mhlangu, vatiwo zvinosuwisa kuti hurumende iri kuramba ichimanikdza paramende kuti ipasise zvibvumirano zvainenge yaita isina kunzwa pfungwa dzedare iri pazvibvumirano izvi.
Vati izvi zvakaitika zvakare gore rapfuura apo hurumende yakazokumbira dare kuti ripasise chibvumirano chekuti ikwerete mari yekuvaka chikoro chemauto apo chikoro ichi chainge chatove pakati pekuvakwa.
Mushure mekupaswa kwezvimbvumirano zvekuti hurumende ikwerete mari kubva kuChina, paramende yabva yamisa basa kusvika musi wa 4 Gunyana.