Accessibility links

Breaking News

Pakistan Inokunda Zimbabwe Mumutambo weKiriketi muHarare


Chikwata cheZimbabwe chemutambo wekiriketi chiri mukuchema mushure mekuzvamburwa nePakistan mumutambo wemaTests uyo watambirwa muHarare Sports Club masikati eMugovera.

Chikwata ichi chadamburwa neInning nemaranzi zana negumi nematanhatu 116 pamusha izvo zvasiya vanotevera mutambo uyu vaine mibvunzo nekusimba kwemaChevrons aya.

Vatambi veZimbabwe vabuditswa vese munhandare vakanda maranzi zana nemakumi matatu nemana chete 134 izvo zvasiya vari pasi pasi zvachose kubvira pakatanga mutambo uyu nezuro.

Zimbabwe yakakanda maranzi zana nemakumi manomwe nematanhatu 176 nezuro asi Pakistan yadarika apa ndokukanda maranzi mazana mana nemakumi maviri nematanhatu 426 runs

Mukutevera nhasi, Zimbabwe yakwanisa maranzi zana namakumi matatu nemana 134 ayo abatanidzwa neanezuro 176 ndokutadza kusvika pane Pakistan.

Chanyanyoshamisa ndechekuti mutambi weZimbabwe akanda maranzi akawanda, Tarisai Musakanda, aita maranzi makumi mana nemaviri chete 42.

Panguva inwecheteyo, Fawad Ali wePakistan, abuda nemaranzi zana nemakumi mana kubva mumutambo mumwechetewo.

Kurohwa zvinoshoresa kudai, zvauya mushure mekunge Zimbabwe yakatatarika apo yakanotamba neAfghanistan kuUnited Arab Emirates.

Muteveri wemutambo uyu, VaShingirai Miti, vati havachabvunzwa kumba kuti Zimbabwe yatamba sei asi kuti yadyiwa ngani.

VaMiti avo vanga vachiona mutambo uyu pachivhitikiti vati maChevrons anoda kugadziriswa zvakasimba Zimbabwe yakatarisana ne2022 World Cup.

Mutambi wePakistan, Hassan Ali, ndiye atamba kudarika vatambi vese mumutambo uyu ndikutambidzwa mari inoita iyo mazana mashanu emadhoraekuAmerica.

Zvikwata zviviri izvi zviri kusangana zvekare mumutambo weChipiri wemaTest uyo uri kutanga musi weChishanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG