Accessibility links

Breaking News

Pakisimusi, VaMnangagwa Vanoti Vari Kuziva Kuti Vakawanda Vari Kunonga Svosve neMuromo


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatumira mashoko kumhuri yeZimbabwe pazororo rekisimusi vachiti vari kuziva kuti vanhu vakawanda munyika vari kutambura uye havasi kuisa zvimiti munzeve kana kuita sevasiri kuzviona.

Vati pane zvakawanda zvavari kuyedza kuita kuyedza kugadzirisa hupfumi hwenyika.

Vaenderera mberi vachiti vari kuyedza kuumba hukama nedzimwe nyika, kurwisa huori uye kuunza hutongo hwejekerere.

VaMnangagwa vakurudzira vanhu vose kuti vave nerudo kuvavakidzani vavo nekubatsira varombo sezvo iri nguva yekupembera hupenyu hwaJesu Kristu. Vati kubva zvavakatora mhiko yekutungamira nyika vari kushanda zvakasimba kuzadzikisa zvirevo izvi.

VaMnagagwa vati pakisimusi ino vanhu vemuZimbabwe havafanire kutarisa shure asi mberi chete netarisiro yekubatsira mhuri, nharaunda uye nyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG