Accessibility links

Breaking News

Osama bin Laden Anourayiwa neAmerica muPakistan


Mutungamiri wechikwata cheAl Qaida, Osama bin Laden, aurayiwa nemauto eAmerica mudunhu reHazara kumuganho nePunjab muPakistan neSvondo. Zvinonzi pakaitika kurwisana kunotyisa apo mauto emuAmerica akarwisa nzvimbo yaigara Laden.

Vachitaura kunhepfenyuro vari kumuzinda wavo weWhite House, mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vakazivisa nezvekuurayiwa kwaBin Laden mushure mekutsvagwa nemauto eAmerica kwenguva yakareba.

Bin Laden, uyo anga ava nemakore makumi mashanu nematatu ekuberekwa, aivengerwa nyaya dzehugandanga munyika dzakawanda pasi rose.

Zvichitevera kubhombwa kwezvivakwa muNew York nemuWashington muAmerica musi wa11 Gunyana 2001, vaive mutungamiri weAmerica panguva iyi, VaGeorge W. Bush, vakati hurumende yavo yaifanirwa kutsvaga Bin Laden, uye awanikwe ari mupenyu kana kunyange afa.

Bin Laden akaberekwa kuSaudi Arabia mugore ra1957 mumhuri yaive nevana vaipfuura makumi mashanu. Baba vake vanonzi vaive muzvinabhizimusi aive nemukurumbira, asi vanonzi vakashaya Bin Laden asati akura.

Mugore ra1979 Bin Laden anonzi akapinda muchikwata chairwisana neSoviet Union, asi anonzi akazoumbawo chikwata chake cheAl Qaida muna 1980.

Muna 1991 Bin Laden anonzi akanogara muSudan, umo anonzi akaronga nezvekurwiswa kwemauto eAmerica muSomalia neSaudi Arabia, asi akazodzingwa neSudan muna 1996, achibva apinda muAfghanistan.

Vanhu vemuZimbabwe vari kuteverawo nyaya yekuurayiwa kwaBin Laden iyi. Mutungamiri weZimRights, VaOkay Machisa, vaudza Stuido7 kuti ivo semunhu anorwira kodzero dzevanhu vatambira nemufaro kufa kwaBin Laden, sezvo anga achityora kodzero dzevanhu sezviri kuitwa nevamwe muZimbabwe vanofunga kuti havafi vakazobatwa nemutemo.

Zvichakadaro, nyika dzemuMiddle East dzinonzi dzatambira nemufaro mashoko ekufa kwaBin Laden.

Mutungamiri weTurkey, VaAbdullah Gul, vati kuurayiwa kwaBin Laden nemauto eAmerica chiratidzo chekuti magandanga ava kuzobatwa vari vapenyu.

Mutungamiri weIsrael, VaBenjamin Netanyahu, vazivisawo kuti kufa kwaBin Laden kukunda kukuru kwehutongi hwegutsaruzhinji.

MuSaudi Arabia, umo makazvarirwa Bin Laden, zvinonzi nyika iyi yazivisawo kuti inovimba kuti kufa kwemurume uyu kuchashanda senzira yekumisa hugandanga.

Chikwata cheHamas chekuPalestine chiri kushora kuurayiwa kwake chichimuti igamba rehondo remaArab. Yemen yazivisawo kuti inofunga kuti kuurayiwa kwaBin Laden kuchaunza runyararo pasi rose.

Iran yatiwo sezvo Bin Laden aurayiwa, hapachina zvikonzero zvekuti nyika dzekunze dzitumire mauto ekurwisa hugandanga mudunhu reMiddle East.

Nyika dzinoti Bahrain, Kuwait neUnited Arab Emirates, dzinonzi dzaramba kutaura nezvenyaya iyi.

XS
SM
MD
LG