Accessibility links

Breaking News

PDP Inotungamirwa naAmai Lucia Matibenga Inoita Kongiresi yeChimbichimbi


Mutungamiri webato reNational People’s Party varizve mutungamiri webato rePeople’s Rainbow Coalition vanoti vatungamiri mune zvematongerwo enyika vanofanirwa kukoshesa zvido zvevanhu pamwe nekugadzirisa matambudziko akatarisana neveruzhinji.

Vachitaura pamusangano webato rePDP inotungamirwa naAmai Lucia Matibenga wegeneral council wabatanidzwa ne extraordinary congress yebato iri muBulawayo, Amai Mujuru vati zvakakosha kuti vatungamiri mune zvematongerwo enyika vave vanoshandira vanhu kwete kushandisa zvinzvimbo zvavanenge vawana kuti vazvipfumise.

Amai Mujuru, avo vange vari munyarikani pachiitiko ichi, vati hutongi hwebato reZanu PF hwaunza matambudziko akawanda munyika kusanganisira kusafamba zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehutano uko vati ndiko kuri kukonzera kuramwa mabasa kwaana mukoti, vachiti vanhu munyika vanofanirwa kusarudza hutungamiri hwemapato matsva avo vati vachakwanisa kuburitsa nyika mumatambudziko airi.

Pamusangano uyu, uyo wasarudzawo vamwe vatungamiri vebato rePDP, VaBenson Ntini ndivo vasarudzwa kuve mutevedzeri waAmai Matibenga uye VaTrevor Jones vasarudzwa kuve mubati wehomwe.

Chinzvimbo chemutevedzeri wemutungamiri webato chaive chakabatwa naVaSikhumbuzo Ndiweni avo vakasiya bato rePDP.

VaNtini vati vafara zvikuru kusarudzwa kuve mutevedzeri wemutungamiri webato vachitiwo uyu mutoro mukuru wavachashandisa nepose pavanogona kuti vabatsire kuburitsa nyika mumatambudziko ayakatarisana nawo pari zvino.

Vatsigiri vebato rePDP vange vari pamusangano uyu vati vafara zvikuru nekuti bato ravo rakwanisa kuita chirongwa charo murunyararo.

Mumwe wevatsigiri ava, Muzvare Otilia Sibanda, vati vane chivimbo chekuti bato ravo riri mumubatanidzwa wePeople’s Rainbow Coalition richakunda musarudzo.

Bato rePDP inotungamirwa naAmai Matibenga rakazvipatsanura kubva kuPDP inotungamirwa naVaTendai Biti.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG