Accessibility links

Breaking News

MDC T Inorangarira Magamba Ayo Akafa Achirwira Rusununguko Kubva kuHutongi hweZanu PF


Thabitha Khumalo

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti Heroes Day izuva rekurangarira magamba akarwira rusununguko rwemunhu wese.

Bato iri rinoti apo nyika iri kucherechedza zuva remagamba, zvakakosha kuti nyika itarise kuti yaita zvakadii mukuzadzisa shuviro dzemagamba akafira rusununguko rwenyika.

Mumashoko aro kuruzhinji rwevanhu, bato raVaChamisa rati zuva remagamba riri kucherechedzwa mushure memasvondo maviri nyika yaita sarudzo, idzo inoti hadzina kugutsa munhu wese, uye maitirwo akaitwa sarudzo idzi, munongedzo kumatongero eZanu PF mumakore makumi matatu nemasere apfuura.

Mutauriri weMDC-T yaVaChamisa, Muzvare Thabitha Khumalo, vanoti vatora zuva iri kurangarirawo magamba avo akafa achirwira rusununguko kubva kuhutongi hwe Zanu PF.

Vati vari kurangarira vanhu vakaita savachakabvu vanoti VaMorgan Tsvangirai nemudzimai wavo, Susan Tsvangirai, murwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara nevamwe vakafa vachirwira rusununguko rwemunhu wese muZimbabwe yakawana kuzvitonga muna 1980.

Asi vati chiri kurwadza ndechekuti mushure mekukunda hondo yeChimurenga, vana veZimbabwe vari kuona nhamo muhurumende yevanhu vatema.

Vatiwo vanonzwa kurwadzikana nevanhu vakapfurwa nemasoja vakafa nguva pfupi yapfuura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG