Accessibility links

Breaking News

Mutongo paGakava Pakati paMuzvare Khupe naVaChamisa Woturwa neChipiri Svondo Rinouya


Thokozani Khupe and Lovemore Madhuku

Mutongi wedare repamusoro muBulawayo, Justice Francis Bere, vati vachapa mutongo wavo svondo rinouya panyaya yemakakatanwa pakati pebato reMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa neMDC-T inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupeyonzwikwa zvechimbi-chimbi here kana kuti kwete.

VaBere vati vachapa mutongo wavo nemusi weChipiri svondo rinouya.

Gweta raMuzvare Khupe, avo vari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vaudza dare kuti havawone zvakakodzera kuti dare rinzwe nyaya iyi zvechimbi-chimbi nekuda kwezvikonzero zvakawanda.

Chimwe chezvikonzero zavapa ndechekuti nyaya yekuti ndiani anofanirwa kushandisa zita kana mifananidzo ine chekuita nebato reMDC-T haingave nyaya inganzi inoda kugadziriswa nechimbi-chimbi nekuti ivo Muzvare Khupe vanozviona saivo vanofanirwa kuve mutungamiri webato iri, vachiti iyi ndiyo nyaya inofanirwa kutanga yagadziriswa.

Vatiwo Muzvare Khupe vakakwira kudare reConstitutional Court vachipikisa kudzingwa kwavakaitwa mudare reparamanende izvo vati zvine chekuita nenyaya iri pamberi pedare.

Asi gweta reMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaLucas Nkomo, vati nyaya iyi inofanirwa kunzwikwa nechimbi-chimbi nekuti Muzvare Khupe havasisiri nhengo yeMDC-T uye pavakadzingwa mubato havana kutora kana danho rimwe chete rinotarisirwa pamutemo, kusanganisira kuchishandiswa bumbiro remitemo yebato reMDC-T.

Pamboita mibvunzo mudare pamusoro pekuti bumbiro remitemo yeMDC-T chairo nderipi sezvo mumagwaro emudare Muzvare Khupe vakapa rimwe bumbiro sairo chairo ukuwo vebato reMDC-T inotungamirwa naVaChamisa vakapawo rimwe.

Nhengo yeNational Executive yeMDC-T inotungamirwa naVaChamisa, VaJameson Timba, vaudza Studio7 kuti vanoda kuti Muzvare Khupe vachirega kushandisa zita rebato iri nekuti vakadzingwa mubato uye vatiwo bumbiro chairo reMDC-T rinoziikanwa.

MDC-T inotungamirwa naVaChamisa yakakwira kudare svondo rapera mushure mekunge Muzvare Khupe vanyora tsamba kuZimbabwe Electoral Commission vachiti ndivo mutungamiri chaiye weMDC-T.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG