Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Dzogara Dzichitya kuMash West


Supporters of MDC Leader Nelson Chamisa

Dzimwe nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa muChinhoyi dzinoti dziri kutiza misha yadzo dzichitya kusungwa pamwe nekushungurudzwa nemapurisa.

Sachigaro wevechidiki mudunhu reMashonaland West mubato iri, VaRichard Vhitirinyu, vati nhengo dzebato ravo dziri kugara dzichishungurudzwa nemapurisa nepamusana kwekuratidzira kwemazuva matatu kwakarongwa nesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, richitsigirwa nemamwe masangano akazvimirira.

VaVhitirinyu vati ivo pachavo vakatorwa nemapurisa kana mumazuva matatu apfuura vachibvunzurudzwa pamusoro penyaya yekusaenda kubasa kwevanhu pamwe nemhirizhonga yakaitika.

VaVhitirinyu vati vave kutyira hupenyu hwavo zvekuti havasi kurara kumba kwavo pari zvino vachitya kutsakatiswa sezvo vari kutorwa nevanhu vakasiyana siayana.

VaVhitirinyu vati mapurisa ari kutsvagawo dzimwe nhengo dzebato ravo dzakaita semurongi wemisangano mudunhu iri, VaWilson Makanyaire, sachigaro wedunhu reChinhoyi, uye vari meya weguta, VaDyke Makombe, mumiriri weChinhoyi muparamende, Dr Peter Matarutse, nevamwe vanoti VaGarikayi Dendera naVaFunny Tembo vekuBanket.

Dr Matarutse vanoti vari kuziva kuti mapurisa ari kuvatsvaga, asi vati hapana chavanotya sezvo pasina chavakaita mukusaenda kwevanhu kumabasa.

Zviri kuitika kuMashonaland West zviri kuitikawo munzvimbo dzakawanda munyika, vanhu vachitorwa husiku nemapurisa ayo ari kufamba nemasoja achisunga vanhu.

Mudzimwe nzvimbo mapurisa aya anonzi ari kurova zvakaipisisa hama dzevanhu vaanenge ashaya.

Vanorwira kodzero chevanhu vanoti kuita kwakadai hakusi pamutemo, uye mapurisa anofanirwa kunangana chete nemunhu waanofungidzira kuti akapara mhosva.

Vanhu vakawanda vari mumaoko emapurisa zvichitevera kusungwa kwavakaitwa vachipomerwa mhosva yekuita mhirizhonga, iyo yakaitika munyika mose, ikasiya vanhu vanopfuura gumi vafa, vazhinji vavo vachifa mushure mekupfurwa nepfuti, sekutaura kweZimbabwe Association of Doctors for Human Rights.

Rimwe remagweta evasungwa vari muChinhoyi, VaMike Mutsvairo, vati hurumende iri kutsvaga uta nemugate sezvo nyaya yemhirizhonga yairi kupomerwa vanhu yakatosiyana sezvo vanhu ava vakatorwa mudzimba dzavo mushe mekuwanikwa vaine zvinhu zvekudya zvakaita semupunga izvo hurumende iri kuti zvakatorwa muzvitoro zvakapwanywa paiitika mhirizhonga.

VaMutsvairo vati kuwanikwa nezvinhu hazvirevi kuti zvakabva muzvitoro zvakapwanywa nekuti vanhu vakawanda vari kuchengetamudzimba dzavo zvinhu zvekudya zvakawanda vachityira kuti zvinogona kuzoshaikwa zvakare munyika.

Rimwe gweta riri kushanda naVaMutsvairo,VaJoshua Mangeya, vatiwo mapurisa anofanirwa kuburitsa humbowo hunoratidza kuti munhu akapara mhosva, kwete kuita zvekufungidzira.

Munhu akabatwa nemhosva yekuita mhirizhonga anogona kupihwa mutongo wekubhadhara faindi kana kutongerwa kugara mujeri kwemakore asingadarike gumi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa emuMashonaland West.

Asi mutauriri wemapurisa munyika yose, Amai Charity Charamba, vanoti vanhu vanodavira mazana manomwe, kusanganisira murongi wemisangano muMDC, VaAmos Chibaya naPastor Evan Mawarire, vasungwa kusvika pari zvino vachipomerwa mhosva ine chekuita nemhirizhonga yakaitika munyika kwemazuva matatu.

Vamwe vasungwa kusvika pari zvino vanosanganisira mumiriri weMbizo muparamende, VaSettlement Chikwinya, pamwe nemumiriri weRedcliff, Va Lloyd Chikwinya.

Hurumende inoti kuratidzira pamwe nemhirizhonga yakaitika zvakakonzerwa neMDC kunyange hazvo ZCTU yakabuda pachena kuti ndiyo yakadaidzira kuratidzira kwemazuva matatu uku.

Asi MDC inoti haineyi nekuratidzira uku, ichitiwo zviri kuitwa nehurumende zvinoratidza kuti yapererwa nemazano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG