Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoshanyira Vakakuvadzwa Mumhirizhonga Yakaitika muHarare neChitatu


Nelson Chamisa MDC Alliance Zimbabwe Elections Photo Gallery

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti havasi kufara nekunonoka kuri kuita komisheni inoona nezvesarudzo kuburitsa zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika.

VaChamisa vataura mashoko aya mushure mekushanyira vanhu vakakuvara pamwe nekufirwa nehama dzavo mumhirizhonga yakaitika muHarare neChitatu.

Vachitaura nevatori venhau pavashanyira vanhu vari kurapwa pachipatara cheParirenyatwa, VaChamisa vati havasi kufara nekunonoka kuri kuita Zimbabwe Electoral Commission, Zec, kuburitsa zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika vachiti izvi zvinopa mukana wekuti sarudzo idzi dzibirirwe.

Vati vanoziva kuti vakakunda musarudzo iyi uye veruzhinji munyika vanozviziva kuti MDC Alliance yakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Vati chinoshamisa ndechekuti zvinobuda musarudzo yemutungamiri wenyika ndizvo zvinotanga kuverengwa asi vari kutyamadzwa kuti zvakabuda musarudzo dzeparamende zvaburitswa veruzhinji vasingazive kuti akakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

VaChamisa vati vanozviziva kuti vakakunda musadzo yemutungamiri wenyika vachiti vane humbowo hwemapepa akasainwa nevaimirira mapato panzvimbo dzaivhoterwa vachiti kunyange bato ravo rakakundwa musarudzo dzeparamende ivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Varambawo mashoko ekuti pane nhaurirano dziripo pakati pavo nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, zvichitevera gakava riripo panyaya yezvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Varambawo zvakare kuti vane kudyidzana nevaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakasiya basa gore rapera mushure mekupindira kwakaita mauto mune zvematongerwo.

VaChamisa vashorawo kupfurwa kwakaitwa varatidziri nemasoja zvakasiya zvaita kuti pafe vanhu vatanhatu nekukuvara vanhu vakawanda.

Vashora hurumende nekushandisa simba rakanyanyisa pavanhu vasina zvombo.

VaNelson Mudzingwa, avo vanove sekuru wemumwe wevakapfurwa vakafa muchiitiko chanezuro, VaIshamel Kumire, vati vakarwadziwa nekuurayiwa kwakaitwa hama yavo nemasoja mumhirizhonga yakaitika muHarare.

Munin’ina wemufi, VaCriswell Kumire, vati semhuri vari kuda kuripwa nehurumende zvichitevera kupfurwa kwakaitwa mukoma wavo akafa nezuro.

Zvichakadai, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vabuda padandemutande reZimeye vachiramba kuti masoja akapfura vanhu nezuro. VaChiwenga vati masoja akazopindira kunochengetedza runyararo mushure mekunge vanhu vapfurwa nevavanoti vairatidzira ava.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG