Accessibility links

Breaking News

Magweta aVaChamisa Anoti Agadzirira Kusvitsa Mapepa Awo kuMatare


Nelson Chamisa Bindura Zimbabwe Elections
Nelson Chamisa Bindura Zimbabwe Elections

Magweta ari kumirira mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, anoti agadzirisa mapepa aVaChamisa ekuenda kumatare edzimhosva kunopikisa kuti mutungamiriri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, havana kukunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, rimwe remagweta aVaChamisa, VaThabani Mpofu, havana kuda kubuda pachena kuti vachaendesa mapepa kumatare nguvai asi vati vachaendesa mukati memazuva manomwe sezvinotarisirwa nebumbiro remitemo yenyika.

VaMpofu vatiwo zvabuda mune rimwe bepa rehurumende kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vangangogadzwa musi weSvondo ndezvekutungana kwembudzi.

VaMpofu vatiwo rutsigiro rwuna VaChamisa munyika rwunowonekwa kana kumagweta vachiti magweta anosvika chiuru anga ari kuda kumiririra VaChamisa.

Mutauriri waVaChamisa, Dr Nkululeko Sibanda, vatsinhirawo vachiti vane humbowo hwekuti VaChamisa ndovakakunda musarudzo huye vakati havangaregi VaMnangagwa vachitora hushe hwavanoti hausi hwavo.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanuPF panyaya iyi. VaMnangagwa vakanzi neZimbabwe Electoral Commission ndovakakunda musarudzo dzakaitwa mwedzi wapera.

VaMnangagwa vakaudza vatori venhau nemusi weChishanu kuti vainge vatambira zvakaburitswa neZec vachiti vachange vari mutungamiri wemunhu wese.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG