Accessibility links

Breaking News

VaGambi naVaMatutu Votatsurirana Chigaro chaSachigaro weMDC kuMasvingo


MDC Alliance Rally Masvingo
MDC Alliance Rally Masvingo

Vatsigiri vebato reMDC mudunhu reMasvingo vave kupesana pakusarudzwa kwasachigaro wedunhu pamusangano wekongiresi yedunhu uri kutarisirwa kuitwa mwedzi unouya, sezvo vakambobuda mubato iri VaTongai Matutu vari kutarisirwa kutatsurana naVaJames Gumbi avo vane chigaro ichi pari zvino.

Vatsigiri vebato rinopikisa iri vari kupesana vamwe vachiti vatungamiri vakaita saVaMatutu havafaniri kutsigirwa nemhosva yekuti vakambosiya musangano, asi vamwe vachiti izvo hazvichina basa nekuti musangano wakazobatana zvakare musarudzo dzegore rapera nevamwe vakambenge vabuda.

Vataura neStudio7 vanoti vakambosiya musangano havasati vave kuvimbwa navo nevamwe vatsigiri, avo vanoti vanoda kutsigira chikwata chaVaGumbi, icho chinonzi chakasara chakamira nemusangano panguva iyo zvinhu zvakanga zvakaoma.

VaObert Madzore vekuWadhi 5 kuGutu South vanoti havana chivimbo nevatungamiriri vakambosiya bato.

Asi vamwe vanotsigira chikwata chaVaMatutu, vakaita saVaAndrew Bhebhe, vanoti zviri kutaurwa izvi ndezve mugotsi matsuro, vachiti vatungamiriri vemapato akanga abuda muMDC nevakasara mubato vakagara pasi vakaregererana ndokubatana, nokudaro zvekushoropodza vakambobuda mumusangano ndezve nhando.

Makwikwi ekutsvaga rutsigiro mudunhu reMasvingo ave kutopisa apo zvichitevera misangano yekutsvaga rutsigiro yakaitwa mukupera kwesvondo nezvikwata zviri kukwikwidzana.

Zvikwata izvi zvakaungana munzvimbo dzakasiyana-siyana mudunhu rekwaGutu pakupera kwesvondo uye zviri kunderera mberi mune mamwe matunhu.

Vamwewo vakaita saVaClemence Manyundwa vanoti vakambosiya musangano vaiita zvemari nekudaro havadi musangno nemwoyo wese.

Asi vamwe vatsigiri vanoti kunyangwe chikwata chaVaMatutu chine vanhu vakambosiya musangano, pachaiva panyanga kubva mugore ra2007 kusvika muna 2014 chaive nemutsindo uye chakatora zvigaro zveparamende gumi nezvina muna 2008.

Apowo vatsigiri vaVaGumbi vanoti vakatora nzvimbo yeparamende imwechete gore rapera, vachipomera chikwata chiri kutsigira VaMatutu mhosva yekusiya dunhu risina kana humiriri muparamende muna 2013 mushure mekutorerwa zvigaro zvose ne Zanu PF.

VaJoram Jengwa vanoti varipo vakatadza vanofanira kumbo sudurutswa kodzorerwa vanogona basa.

Asi VaGumbi vanoti vanhu vachasarudza vanoziva zvavanoda uye vanovimba kuti chikwata chavo chichakunda musarudzo dzedunhu.

Ukuwo, VaMatutu vachitaura parunhare vaudza Studio 7 kuti nyaya yekuti vakambobuda haina basa nekuti yakatogadziriswa kare nevakuru vebato uye vanotarisira kuti vanhu vashare hutungamiriri hwavanoda pasina kusvibisana nenyaya dzisina maturo.

MDC ichatanga nekongiresi yematunhu isati yaita kongiresi yenyika yose muMwedzi waChivabvu.

Matunhu haasati atanga kudoma vachakwikwidza zvigaro sezvinodiwa nebumbiro remitemo yeMDC kunyange hazvo munyori mukuru webato, VaDouglas Mwonzora pamwe nemumwe mutevedzeri vemutungamiri webato, VaElias Mudzuri, vari kuti vakazvipira kukwikwidza chigaro chemutungamiri webato kana vakadomwa kuti vakwikwidze.

Mutungamiriri webato, VaNelson Chamisa, vakabuda pachena vachiti munhu wese ane kodzero dzekukwikwidza chigaro chaanenge adomerwa nematunhu.

Asi zvinhu hazvina kumirira zvakanaka mubato iri sezvo vari kutsigira VaChamisa vari kuti VaChamisa havafanirwe kukwikwidzwa pachigaro ichi.

Muna 2014, VaChamisa, avo vaive murongi wemisangano, vakakundzwa naVaMwonzora musarudzo yemunyori mukuru webato.

VaChamisa vakazodomwa nevaimbove mutungamiri webato, muchakabvu Morgan Tsvangirai, kuti vave mumwe wevatevedzeri waVaTsvangirai pamwe naVaMudzuri.

Izvi hazvina kufadza vaive mutevedzeri waVaTsvangirai panguva iyi, Muzvare Thokozani Khupe.

Zvichitevera kushaya kwaVaTsvangirai gore rapera, mubato iri makaita makakatanwa apo VaChamisa vakatora chigaro chemutungamiri webato nenzira isina kufarirwa nevakawanda.

Asi VaChamisa vakazotambirwa neNational Council yebato kuti varambe vari mutungamiri kudzamara kongiresi yebato yaitwa.

Pasi pebumbuiro rebato, paifanirwa kuitwa extra ordinary congress mukati megore rimwe chete zvichitevera kushaya kwaVaTsvangirai.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG