Accessibility links

Breaking News

Ongororo yeRufu rwaGeneral Mujuru Yotanga neMuvhuro


Ongororo yekutsvaga chakadya General Solomon Mujuru iri kutarisirwa kutanga neMuvhuro paine mapurisa akawanda zvikuru muHarare sezvo pari kutyirwa kuti panogona kuzoita kurwisana pakati penhengo dzeZanu-PF idzo dzave makara asionane nenyaya iyi.

Zvinonzi kuchauya zvapupu makumi mana nezviviri uye nyanzvi, forensic experts, kubva kuSouth Africa.

Mutongi achange achitungamira ongororo iyi ndiVaWalter Chakwana, avo vanoshanda mudare ramejasitireti muHarare.

Vamwe vakuru muchipurisa vaudza Studio 7 kuti mapurisa akumbirwa kuti auye akadzipakatira neMuvhuro uye Harare yose inonzi inenge yakazara mapurisa pachityirwa kuti pangangoite mhirizhonga.

VaMujuru murume wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, uyo akafira murimi remoto papurazi ravo kuBeatrice muna Nyamavhuvhu.

Rufu urwu haruna kutambirwa zvakanaka nevatsigiri vavo muZanu-PF izvo zvakapa kuti vamwe vachidiki vaimbe nziyo parufu rwawo dzekuti VaMujuru vainge vaurayiwa nevamwe mubato reZanu-PF.

Izvi zvakapa kuti Amai Mujuru vakumbire kuti vanhu vasapumhana huroyi sezvo zvichizokonzera mhirizhonga mubato.

Kunyange hazvo Zanu-PF iri kuti yakabatana, vataura neStudio 7 vanoti mubato iri mune mapishapisha izvo zvava kupa kuti kana vanoronga mabasa ezvematongerwo enyika mubato iri, VaWebster Shamu, vatadze kuvandudza bato nekutsvaga vatsigiri vatsva.

Sarudzo dzekutsvaga vatungamiri mumatunhu dzave kutopfuura gore dzisina kuitwa muZanu PF.

Muchuchusi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, varamba kutaura nezvenyaya iyi.

Asi mutevedzeri wemunyori wesangano reJudiciary Service Commission, VaRex Shana, vanoti ongororo iri kutanga neMuvhuro, uye ichitarisirwa kupera neChishanu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanoti ongororo iyi kupdzera hoko padehwe retsindi.

XS
SM
MD
LG