Accessibility links

Breaking News

Mushonga weCotrimoxazole Wowedzera Upenyu Kune Vane HIV


Ongororo yakaitwa kwemakore mashanu apfuura mu Uganda neZimbabwe pavanhu vanorarama ne HIV/AIDS inoburitsa kuti mishonga ine mitengo iri pasi yakashandiswa muongororo iyi inokwanisa kuderedza kufa kwevanhu vanorarama ne HIV/AIDS.

Ongororo iyi yakaburitswa mugwaronhau reLancet mwedzi uno ichiti mushonga we co-trimoxazole unobatsira kuwedzera makore muvanhu vari kurarama neHIV. Vanhu vanodarika zviuru zvitatu vakapinda muongoro iyi kwemakore mashanu kubva muna 2003.

Nyanzvi dziri muhurongwa uhu dzinoti zvavakawana zvichabatsira kuti vanhu vasafe nekukasika kana vachinge vabatwa ne HIV.

Sachigaro we Zimbabwe Network for Positive Women, Muzvare Martha Tolana, vanoti kuwanikwa kwemishonga yakachipa kunobatsira kuti vanhu vazhinji vabatsirikane.

Ukuwo vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mu National Aids Council, Va Raymond Yekeye, vanoti mushonga we co-trimoxazole wakatotanga kushandiswa kare muZimbabwe. VaYekeye vanoti mushonga uyu uri kubatsira vanhu vakawanda vanorarama neHIV/AIDS.

XS
SM
MD
LG