Accessibility links

Breaking News

VaObama Vanoshanyira Chechi yeIslamic Society muBaltmore


VaObama vachitaura nevakuru vechechi yeIslamic Society of Baltimore
VaObama vachitaura nevakuru vechechi yeIslamic Society of Baltimore

Mutungamiri wenyika ye America, VaBarack Obama, vakakurudzira kubatana kwevana veAmerica, pavakashanyira chechi yechitendero che Islam muBaltimore, Maryland neChitatu.

Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vakakurudzira kubatana kwevana veAmerica, pavakashanyira chechi yechitendero che Islam muBaltimore, Maryland neChitatu.

VaObama vakashanyira kekutanga Islamic Society of Baltimore, kubva pavagadzwa semutungamiri wenyika.

VaObama vakaudza vatendi vechechi iyi, vanova ma Muslim vachiti, “tiri mhuri yeAmerica imwe chete.” Vakazivisawo nezvekushungurudzwa kwevechitendero ichi muAmerica nevechitendero ichi vanopfurikidza mwero.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaObama vakati "munzvimbo dzinogara ma Muslim munyika yose, ino inguva yekushushikana, chokwadi ndechekuti inguva yekumwe kutya. Sezvizvarwa zveAmerica zvose, munoshushikana nekutyisidzirwa nezvehugandanga. Asi pamusoro pazvo, sema Muslim emuAmerica, mune zvimwe zvinokunetsai, sezvo mamugere mese munonangwa pamwe nekupomerwa kuita zvehugandanga zvinoitwa nevashoma".

Mutungamiri we America vakatenda ma Muslim emuAmerica nekubatsira mukuvaka America pamwe nekuita kuti isimbe.

Vasati vataura mashoko avo, VaObama vakanzwawo zvinetswa zvevatungamiri vema Muslim pamusangano wavakaita navo.

VaObama vakataurawo nevechidiki vechitendero ichi, vakavakurudzira kuti varambe mashoko epadandemutande ari kuvati vasarudze pakati pechitendero chavo kana kuti kutsigira nyika yavo.

Vachitaura neChina pamusangano wepagore we National Prayer Breakfast muWashington DC, VaObama vakatsinhira zvakare mashoko avo ekuti kutenda kunogona kubatsira mukukunda kutya nekuti kwabatsirawo sei ivo mubasa ravo rekutungamira nyika.

XS
SM
MD
LG