Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Munyika Voshushikana neMoto Yoparadza Zvinhu Munzvimbo Dzakasiya Siyana


bhazi reBrooklyn rakatsva kuWest Nicholson
bhazi reBrooklyn rakatsva kuWest Nicholson

Vanhu vakawanda munyika vari kushushikana zvikuru nemoto iri kuramba ichibvira munzvimbo dzakasiyana siyana ichikonzera kukuvara kwevanhu uye kutsva kwemidziyo yakawanda inodarika mamiriyoni emadhora.

Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commisioner Charity Charamba vati mapurisa achiri kuferefeta chakakonzera moto iyi vozozivisa nyika kana vave nehumboo huzere.

Nemusi weChipiri, kwaSiyaso Home Industries kuMbare kwakabvira moto kukatsva marori maviri uye dzimwe motokari dzaigadzirwa panzvimbo iyi.

Hapana ari kuziva kuti chii chakakonzera moto uyu vamwe vachiti vanhu vaisvuura tambo dzemhangura vamwe vachiti marara anogara achitsva panzvimbo iyi kwemazuva akawanda.

Motokari dzinodzima moto dzinonzi dzakakurumidza kusvika asi dzainge dzisina zvikwanisiro.

Moto uyu unotevera mumwe wakapisawo paGlen View 8 Furniture Complex muHarare makare uye umwe wakabvirawo kuKadoma nemusi weMuvhuro manheru.

Zvitoro zvakatsva zvinosanganisa Edgars, Jet Stores nechitoro chinogadzira midziyo yemumba cheColoursel Furniture. Hapana kana chakabuditswa muchitoto cheColoursel ichi.

Musi weMugovera paMpilo Hospital kuBulawayo pakatsvawo imwe nzvimbo inogara vanachiremba.

Vanhu makumi mana nemumwe vanonzi vakatsvirao mubhazi reBrooklyn Express kuWest Nicholson, Matabeleland South nemusi weChishanu.

Nyanzvi munyaya dzezve mhando dze moto Engineer Kudzayi Chiweshe vanoti moto mizhinji iri kukonzerwa nevanhu vanoita basa remagetsi risina hunyanzvi uye zvivakwa zvave nenguva zvavakwa.

Meya weguta reHarare VaHerbert Gomba vati vari kunetsekana zvikuru nemoto iyi yaparadza midziyo yakawanda muguta ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vaimbove meya we guta reKadoma, vari nhengo yeparamende yeKadoma Central VaMuchineripi Chinyangana vanoti moto wakapisa zvitoro kuKadoma unofungidzirwa kuti wakatangwa nekusangana kwe waya dzemagetsi dzisina kugadzirwa zvakanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG