HARARE —
Mutambi wenhabvu weChikwata cheTriangle Ronald Mudimu akashaya nemusi weSvondo mushure mekurwara nechirwere chekuoma mutezo.
Mudimu akashaiya chikwata chake chichangobva mukukunda Dynamos 1-0. Mudimu haana hake kutamba mutambo uyu.
Murairidzi weTriangle Taurayi Mangwiro anoti mhuri yese yemaSugar Sugar Boys irikushaya kuti chii chaicho chaitika.
Mangwiro anoti Mudimu mutambi aiteerera varairidzi vake nevakuru kwaari achitsvaga mazano.
Mudimu akatambirawo zvikwata zvinosanganisira Caps United neMotor Action apo yakasimudza mukombe weligi mun 2010. Akatambirawo zvikwata zvenyika zvemaUnder 17 ne20.
Facebook Forum