Accessibility links

Breaking News

Nyika dzeKumavirira Dzoshora Mhirizhonga


Vamiriri venyika dzekumawirira dziri muZimbabwe vanoti vari kunetsekana zvikuru nenyaya yemhirizhonga yezvematongerwo enyika iyo yoramba ichipararira munyika.

Vamiriri venyika dzinosanganisira America, Britain, France, Germany neJapan, vakanyorera hurumende tsamba vachiiudza kuti vatongi vematare, mapurisa, mauto nevachuchusi vanofanira kuita basa vasina divi ravakarerekera.

NeChina, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakati munyika maberekera ingwe uye nhengo dzebato ravo dzave kuoneswa ndondo neZanu-PF.

Mutauriri weZimbabwe kuEuropean Union, VaNesbert Samasuwo, vati vanga vasati vapirwa zvizere nyaya iyi nekudaro havana chekutaura.

Asi vachitaura nemapurisa neChishanu, Police Commissioner General, VaAugustine Chihuri, vakashora nyika dzekumavirira idzi vachiti hadzidi kutenda kuti Zimbabwe yave kuzvitonga, nekudaro ndokusaka dzakaitemera zvirango.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda neInstitute for a Democratic Alternative Zimbabwe, VaJoy Mabenge, vanoti Zimbabwe inofanira kutanga kudyidzana nedzimwe nyika.

XS
SM
MD
LG