Vaimbova mutungamiri wenyika South Africa, VaThabo Mbeki, vanoti vari kutarisira kudzoka muZimbabwe mwedzi unouya kuti vaone kuti vofambisa sei nyaya dzenhaurirano dzekuyedza kupedza matambudziko akatarisana nenyika.
VaMbeki vanoti vari kudawo rutsigiro kubva kuSADC kuti vayananise.
VaMbeki ndivozve vakamboita mutongi gava pakati peZanu-PF neMDC pakazoumbwa hurumende yemubatanidzwa muna 2009.
Parwendo rwavo rwevhiki rino, VaMbeki vakasangana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, nevamwe vatungamiri vezvematongerwo enyika vari mugungano rePOLAD.
VaMbeki vari kutambirwa zvakasiyana munyika, vamwe vachiti vanokwanisa kubata basa asi vamwe vachiti vanorerekera rimwe divi.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vari mukuru weHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti VaMbeki vakatambirwa nevatungamiri vemapato munyika vanokwanisa kuita mutongi gava asi vakati vanofanira kuziva kuti zvinhu zvasiyana zvakanyanya nezvaiitika muna 2008 pavakamboyananisa vachakabvu VaRobert Mugabe naVaMorgan Tsvangirai.
Mutevedzeri webato reMDC-T, VaObert Gutu, vanoti vanotambira VaMbeki vachiti vanoda kuti kana voita nhaurirano votaura nemapato ose makuru nemadiki.
Facebook Forum