Accessibility links

Breaking News

Nyaya Yokuti Vakapondwa Panguva YeGukurahundi Vabhadharwe Yonetsa Zvakare


Gavhuna weBulawayo, uye vari nhengo ye Zanu PF, va Cain Mathema, vanoti vanhu havafanirwe kuramba vachitaura nyaya yegukurahundi nekuti nyaya iyi yakagadziriswa pakabatana Zanu PF ne PF Zapu muna 1987, apo vaRobert Mugabe nava Joshua Nkomo, vakawirirana kushanda pamwe chete. Mashoko ava Mathema ari kushorwa zvikuru nevamwe vanhu vemuMatabeleland, avo vari kuti vanofanirwa kuripwa sezvo hama dzavo dzakaurayiwa munguva yegukurahundi.

VaMathema vakataura mashoko aya pamberi pechikoro chezvidzidzo zvepamusoro Midlands State University mu Gweru neChisanu. Asi vamwe vanotiwo havasi vanhu vakafa mugukurahundi hundi chete vanofanirwa kuripwa, sezvo vanhu vakawanda vakafawo munguva dzesarudzo yemuna 2008, vamwe vakapisirwa dzimba, uye kutorerwa zvipfuwo zvavo.

Mutungamiri wehurumende, vaMorgan Tsvangirayi, vanoti hurumende inofanirwa kuva nehurongwa hwekuripa vakafa panguva yegukurahundi pamwe neavo vakaurayiwa mumhirizhonga yakaitika panguva dzesarudzo.

VaTsvangirayi vakataura izvi mudare reparamende apo vaipindura mubvunzo wenhengo yeparamende inomirira Makoni South, vaPishai Muchauraya, avo vaida kuziva pamire hurumende. Marvellous Mhlanga Nyahuye we Studio7 aita hurukuro nemuongorori wezvematongerwo enyika anotaura akazvimirira, Va Rejoice Ngwenya, kuti tinzwe maonero avo.

XS
SM
MD
LG