NeChishanu kunenge kusingadanwi anonzwa kuSouth Africa apo panenge pachitanga mutambo weWorld Cup munyika iyi.
South Africa ichange ichitamba neMexico, uye France ichitamba neUruguay.
Dzimwe nyika dzichange dzakamirira Africa pamakwikwi aya dzinosanganisira Cameroon, Ivory Coast, Ghana, Nigeria neAlgeria.
South Africa yakavaka nhandare shanu itsva uye ikagadzirisa dzimwe shanu.
Migwagwa nezvimwe zvivakwa zvakagadzirwa pachishandiswa mabhiriyoni emadhora akawanda. Izvi zviri kupa kuti vamwe vati mari iyi dai yakapihwa hayo vanonetseka munyika iyi.
Asi vamwe vanoti South Africa ichawana mukoho wakanaka pamakwikwi aya uye yaitawo kuti Africa iite mukurumbira.
VaAlbert Mandizvidza ndivo mutungamiri Peakford Management Consultancy, uye vari nyanzvi munyaya dzezvehupfumi. VaMandizvidza vanoti kunyange hazvo paine zvimwe zvinofanirwa kunge zvakaitwa mukurudzira vanotambura, South Africa yasimudza mureza weAfrica.
Mashoko avo anotsigirwa nemutambi wechikwata cheLegnthens, More Moyo, vanoti Africa yaita mukurumbira kuburikidza nezvaitwa neSouth Africa.