Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeNhepfenyuro Dziri Kunze Yonetsa Munyika


Nyaya yenhepfenyuro dziri kutepfenyura dziri kunze kwenyika, iri kuramba ichinetsa munhaurirano dze MDC neZanu-PF.

Bato raVaMugabe rinoda kuti nhepfenyuro dzakaita se Studio7, ShortWave Radio Africa, uye Radio Voice of the People, VOP, dzivharwe ichiti izvi ndizvo zvakawiriranwa muchibvumirano cheGPA.

Asi mukuru we ShortWave Radio Africa, Muzvare Gerry Jackson, vanoti vanoshamiswa zvikuru kunzwa vari munhaurirano vachitaura nyaya dzekuvhara nhepfenyuro idzi. Muzvare Jackson vanoti Zimbabwe haina masimba ekuvharisa nhepfenyuro idzi.

Muzvare Jackson vanotiwo hurumende yemubatanidzwa inofanira kugadzirisa mitemo yenhau pamwe nekuvhura masaisai kuitira kuti vanoda kutanga dzinhepfenyuro dzavo, vatange kuita izvi vakasununguka.

VaJohn Masuku ndivo Executive Director ve Radio VOP. VaMasuku vanotiwo hurumende yemubatanidzwa inofanira kuvandudza mitemo ine chekuita nekutepfenyura uye kutorwa kwenhau, kuitira kuti nyaya dzenhau dzifambe zvakanaka munyika.

XS
SM
MD
LG