Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeMutongigava Younza Mutauro Pakati peMDC neZanu-PF


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemutungamiri webato guru rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa, havasi kuwirirana panyaya yekuti matambudziko atarisana nenyika munyaya dzezvematongerwo enyika uye hupfumi ogadziriswa sei.

Chiri kuwiriranwa nevaviri ava inyaya yekuti panoda nhaurirano, asi kuti dzoitwa sei ndipo paita kuti vave makara asionane.

VaChamisa, avo vainge vari kuSouth Africa nemusi weChitatu, vanoti panoda mutongigava sezvakamboitwa nevaimbova mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, pakazoumbwa hurumende yemubatanidzwa kubva muna 2009 kusvika 2013.

Asi VaChamisa vanoti havasi kuda hurumende yemubatanidzwa asi kuti nhaurirano dzekuunza hutongo hwejekerere munyika uye kuti paitwe sarudzo dzakachena.

VaMnangagwa vanoti nhaurirano hadzidi mutongigava kuti apindire vachiti ngadziitwe pasi pePolitical Actors Dialogue, Polad, iyo ine mapato madiki akawanda anopikisa akakwikwidza musarudzo dza 2018.

Mutevedzeri wemunyori wezvekudyidzana nedzimwe nyika muMDC, VaDouglas Mwonzora, vanoti mutongigava akakosha nekuti VaMnangagwa havangaite mutongi uye muchuchisi panyaya iyi.

Asi munyori wezvemitemo muZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti hapadiwe mutongigava sezvo paine gungano rePolad rakaumbwa munyika kuitira kuti riitirwe nhaurirano dzose dzemunyika.

Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwana naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG