Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeMasimba muSangano reVashandi reZCTU Yotsviriridza


Mutongi wedare repamusoro, Justice Susan Mavhangira, vati vachapa mutongo wavo neChishanu panyaya yakakwidzwa kudare nesangano rePTUZ pamwe nemamwe masangano manomwe, avo vari kuda kuti musangano mukuru wekongiresi yeZCTU uri kutanga neChishanu umiswe.

Masangano aya akakwira dare neMuvhuro achida kuti rimise musangano uyu sezvo asiri kufara nemafambisirwo aanoti ari kuitwa hurongwa hwemusangano uyu nemunyori mukuru weZCTU, VaWellington Chibebe.

Asi nyaya hombe inonzi iri kunetsa mumusangano iri ndeyekuti ndiyani anofanirwa kutungamira sangano iri, izvo zvinonzi zvingangotsemura sangano iri nepakati.

Vane ruzivo nezviri kuitika muZCTU vati chikwata chakakwira dare ichi chiri kutsigira mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo, kwotiwo chimwe chikwata chaVaChibebe chichinzi chiri kutsigira Amai Matibenga, vanowe mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wesangano revashandi iri.

VaMatombo pamwe naAmai Matibenga vari kutairisirwa kukwikwidzana pachigaro chemutungamiri weZCTU. VaMajongwe vanonzi vari kudawo kukwikwidza pachigaro chemunyori mukuru, icho chichasiiwa naVaWellington Chibebe, avo vari kuenda kuBrussels, kuBelgium kunoshanda kusangano reInternational Trade Union Confederation.

VaEphraim Tapa, avo vaimbova nhengo yeZCTU General Council vasati vaenda kuBritain, vaudza Studio 7 kuti zvinorwadza vashandi kana sangano ravo rakatsemuka nepakati nenyaya yekurwira masimba.

VaTapa vati vanokurudzira kuti General Council yeZCTU inofanirwa kugara pasi kuti igadzirise zvinetswa izvi, kwete kumhanyira kumatare edzimhosva.

XS
SM
MD
LG