Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKuvandudza Gwaro reVaVhoti Yonetsazve


Panonzi paita ropa rakaipa pakati peZanu-pf nemdc-t panyaya yekuvandudza gwaro revavhoti kana kuti voters roll izvo zvokonzera kuti nyaya yekuvandudza mitemo yesarudzo inonoke.

Gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa veZanu-PF, vanoti Electoral Act yambomira kuvandudzwa sezvo veMDC-T vari kuramba kuti gwaro revavhoti ringe riine vanhu pachiteshi chekuvhotera kana kuti wadhi sezvo izvi zvichizoita kuti vanoda zvemhirizhinga vafambe vachirova vanhu sezvo zviri nyore kuzoziva vanenge vasingavatsigire.

SADC iri kuti mitemo yesarudzo ivandudzwe pasati paitwa sarudzo zvoreva kuti kunonoka uku kuchapa kuti sarudzo dzinonoke kuitwa.

Mukuru weZimbabwe Election Support Network, ZESN, Amai Rindai Chipfunde-Vava vanoti kufungirana ndiko kwopa kuti munyika mutadze kuita shanduko.

XS
SM
MD
LG