Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKuvandudza Bumbiro reMitemo Younza Kusawirirana muNyika


VaConstantino Chiwenga
VaConstantino Chiwenga

Paita maonero akasiyana panyaya yekuvandudzwa kwebumbiro remitemo pazvinhu zvinosanganisira kuvhoterwa kwevatevedzeri vemutungamiri wenyika musarudzo, kusarudzwa kwevatongi vematare epamusoro pamwe nekudomwa kwemuchengetedzi wekutyorwa kwekodzero dzevanhu kana kuti public protector.

Vachipa pfungwa dzavo kukomiti yeparamende inoona nezvemitemo nhasi muChinhoyi VaAbraham Nyoni vanoti bumbiro remitemo harifanirwe kuvandudzwa risati ranyatsoshanda vachiti vatevedzeri vemutungamiri wenyika vanofanirwa kusarudzwa nevanhu kwete kudomwa nemutungamiri
wenyika.

VaMnangagwa vange vachitarisirwa kutanga musarudzo dza2023 kupinda musarudzo vatevedzeri vavo vaviri kwete kuita zvekuvadoma zvavakaita VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi.

Asi nhengo yebato reZanu PF VaTatenda Chitate vanoti hapana chakaipa kuti mutungamiri wenyika adome vatevedzeri vake vachiti mutungamiri wenyika anenge akapihwa masimba paano vhoterwa nevanhu.

Mumwe mugari wemuChinhoyi VaStewart Maphosa vanotiwo vatongi vematare epamusoro vanofanirwa kuramba vachidomwa mushure mekubvudzurudzwa paruzhinji kwete kudomwa nemutungamiri wenyika sezviri kuda kuitwa.

VaTinashe Musendami vati vatongi vanofanirwa kubvunzurudzwa nekomiti yeparamende kuti vagozopihwa basa kwete kuti vadomwe nemutungamiri wenyika sezvo kudomwa kunoita kuti vasaite basa ravo nemazvo asi kutevedzera zvinoda anenge avadoma.

Amai Kay Ncube veWomen Coalition of Zimbabwe vanoti kuwedzerwa kwenguva yemutemo unoita kuti madzimai makumi matanhatu apinde muparamende pasina kukwikwidzwa haufanirwe kutariirwa nguva asi kuti unofanira kugara uripo.

Panyaya yekuti mutungamiri wenyika akwerete mari pasina kuwirirana neparamende, VaDavid Masango vanoti izvi hazvifanire kubvumirwa sezvo mari iyi ichozodzoserwa kubva kumitero inobhadharwa nevanhu.

Vanhu vakawanda vakaita saAmai Muchaneta Kambiri vanoti nyika haifanirwe kuvandudza bumbiro remitemo rine chekuita nekupa mutungamiri wenyika masimba asi iyo nyika iine matambudziko akawanda anoda kugadziriswa.

Senzira yekutevedzera kuderedza mukana wekutapuriranwa kwechirwere
cheCovid-19 vanhu vakapinda munzvimbo yaitirwa musangano uyu yeCooksey Hall vari muzvikamu zvina vasingadarike makumi mashanu paboka.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG