Accessibility links

Breaking News

Kimberly Process Inotadza Kubuda neChisungo paMangoda eZimbabwe


Sangano reKimberly Process ratadza zvakare kubuda nechisungo chinobvumidza Zimbabwe kuti itengese mangoda ayo isingaongororwe nesangano iri. Pari zvino mangoda emuZimbabwe anotanga apihwa mvumo neKP asati atengeswa.

Musangano weKimberley Process uri kuitirwa muJerusalem, kuIsrael, wava kutarisirwa kukurukura nyaya iyi kwemazuva maviri anotevera kuitira kuti paedzwe kubudwa nechisungo chiri kudiwa neZimbabwe, chokuti itengese mangoda ayo pasina muongorori weKP.

Pari kuitika makakatanwa panyaya iyi, nyika dzekumavirira dzichiti Zimbabwe inofanirwa kutengesa mangoda ayo paine muongorori weKimberly Process.

Asi dzimwe nyika dzinoti Zimbabwe inofanirwa kutengesa mangoda ayo yega, pasina anoitarisa. Sangano reAffirmative Action Group, kana kuti AAG, riri kukurudzirawo kuti Kimberley Process ipe mvumo yekuti Zimbabwe itengese mangoda ayo isina vanoitarisa.

Sangano iri rinoti kana KP ikatadza kupa Zimbabwe mvumo yekutengesa mangoda ayo, richakurudzira hurumende kuti itengese yega kune vanoda mangoda aya.

Mutungamiri weAAG, VaSupa Mandiwanzira, vanoti vanhu vemuZimbabwe vanofanirwa kuremekedzwa nenyika dzekunze idzo dziri kuda kuti Zimbabwe iongororwe pose painotengesa mangoda ayo.

Vari kuda kuti Zimbabwe isapihwe mvumo vari kuda kuti hurumende itange yabvise masoja kwaMarange, ipewo mvumo kune vanochera mangoda vachiri kusimukira, uye imise kutengeswa kwemangoda zvisiri pamutemo kunonzi kuri kuitika.

Dambudziko rekwaMarange harisi kungogumira pakuda kupiwa mvumo kweZimbabwe chete. Vashandi veZimbabwe Mining Development Corporation vashanu nemumwe weCanadile Miners, imwe yemakambani ari kuchera mangoda kwaMarange, vanonzi vakasungwa neChitatu vachipomerwa mhosva yekuwana mvumo yekuchera mangoda zvine chitsotsi.

Vanorwira kodzero dzevanhu uye vachiona nezvekufambiswa kwemabasa eCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti KP inofanirwa kutora matanho anokurudzira kuremekedzwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe.

Imwe nyanzvi yezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanotiwo Zimbabwe ngaitange yaita zvayakabvumirana nesangano reKimberley Process payakapinda musangano iri.

XS
SM
MD
LG