Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKuti VaZuma VopindIra Here paNyaya yeBumbiro Yokonzera Mutauro


Mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa ayo ari kutungamira kunyorwa kwebumbiro remitemo atanga kunetsana panzira yekutora pakugadzirisa misariridzwa iri mubumbiro remutemo wenyika.

Komiti iri kukokera kunyorwa kwebumbiro yatadza kuwirirana pazvinhu zvitatu zvinoti vanhu votongerwa rufu here kana kuti kwete, nyaya yekupa masimba kumatunhu uye kupawo zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kodzero dzekuvhota kana kuti dual citizenship.

VeZanu-PF neMDC-T vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai. Nemutevedzeri wavo VaArthur Mutambara vanofanira kugadzirisa nyaya iyi.

Asi vari kutungamira rimwe bato reMDC, VaWelshman Ncube, vanoti mutongi gava panyaya yeZimbabwe, VaJacob Zuma, nechikwata chavo vanofanira kuyananisa sezvo vari ivo vari kutungamira kugadziriswa kwezviri kunetsa muZimbabwe.

Mutauriri weMDC-T, VaDaouglas Mwonzora vanoti South Afriva haifanire kupindira panyaya yebumbiro iyi. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTrevor Maisiri, avo vanoshanda ne International Crisis Group vanoti zvinonetsa kuti VaZuma vapindire parizvino.

XS
SM
MD
LG