Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKuti Vanhu Vagare Mudzimba Younza Mutauro muNyika


Zimbabwe National Army

Kunyange hazvo vanhu vakawanda vari kutenderana kuti chirwere cheCovid-19 chapararira zvinotyisa munyika, nyaya yekuti zvogadziriswa sei iri kuunza kusabatana zvikuru danho rehurumende rekuti vakawanda vagare mudzimba kwemazuva makumi matatu.

Vamwe vemabhizimisi, veZimbabwe Congress of Trade Unions, vanorwira kodzero dzevanhu nevebato rinopikisa reMDC Alliance vanoti hurumende yakangoita zano ndega isina kugara pasi nevamwe kuti inyatsoona kuti yotora danho ripi risingasiye vakawanda zvikuru vanozviitira mabasa emaoko vachishaya chouviri.

Vamwe vanorwira kodzero dzevanhu vari kupomera mapurisa nemauto mhosva yekuita zvehuori uye kutyora kodzero dzevanhu.

Izvi vanoti zvakaitika zvakare pakambonzi vanhu vagare mudzimba gore rapera.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti danho rehurumende richapa kuti vakawanda vanonge svosve nemuromo sezvo vachizviititra mabasa emaoko.

Asi mumiriri weMakonde mudare reparamende vari nhengo yeZanu-PF, VaKindness Paradza, vanoti zvakaitwa nehurumende ndizvo chaizvo nekuti vanhu vaipera rumwe rumwe nedenda reCovid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG