Accessibility links

Breaking News

Studio7, SW Radio Africa ne VOP Dzonetsa muNhaurirano

Nyaya yenhepfenyuro dziri kutepfenyura dziri kunze kwenyika, ndeimwe yenyaya dzatsviriridza munhaurirano dzekupedza gakava ratadzisa hurumende yemubatanidzwa kufambira mberi zvakanaka.

Bato reZanu PF riri kuda kuti nhepfenyuro idzi, idzo dzinosanganisira Studio7, SW Radio Africa, neVoice of the People, dzivharwe sezvo riri kuti dziri kutepfenyura dzichinyomba pamwe nekuzvidza bato reZanu PF.

Chibvumirano cheGlobal Political Agreement chinoti hurumende inofanirwa kuvhura mikana yekuti masangano enhau ashande akasununguka uye kuti nhepfenyuro idzi dzishandewo dziri munyika.

Hurumende yakatokwidza nyaya yekuti Botswana irambidze nhepfenyuro idzi kushandisa michina yenyika iyi, senzira yekuvhara masaisai kuti asapinda muZimbabwe.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti hurumende yemubatanidzwa haina simba rekuvharisa nhepfenyuro idzi. Nyanzvi idzi dzinotiwo nhepfenyuro idzi hadzitadzise hurumende yemubatanidzwa kufambira mberi zvakanaka.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara, VaRenson Gasela, vanoti chinofanirwa kuitwa nehurumende yemubatanidzwa, kuvandudza mitemo yenhau, uye kupa marezenisi kunhepfenyuro dzakawanda.

Mashoko aVaGasela anotambirwa nemutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai kuManicaland, VaPishai Muchauraya, avo vanoti havaoni chakaipa chiri kuitwa nenhepfenyuro idzi.

This item is part of
XS
SM
MD
LG