Accessibility links

Breaking News

Nyaya Yekuti Amai Mugabe Vane Mapurazi Gumi neMatanhatu Yokonzera Mutauro


Amai Grace Mugabe

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti ongororo iri kuitwa nehurumende yavo pavanhu vane mapurazi inoratidza kuti Amai Grace Mugabe, mudzimai wevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vane mapurazi gumi nematanhatu.

VaMnangagwa vakaita hurukuro nenhepfenyuro yeCapitaltalk 100.4 FM nezuro.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Dr Pedzisayi Ruhanya avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro soro paUniversity of Johannesburg vanoti Amai Mugabe handivo chete munhu ane mapurazi akawanda munyika sezvo imwe ingororo yakamboitwawo munguva yaVaMugabe yakaratidza kuti makurukota akawanda kusanganisa vakuru muhurumende nemubato reZanu-PF vaine vaine mapurazi akawanda.

VaMnangagwa vakatiwo havangakwanise kudhonza mutungamiri webato rinopikisa reMDC VaNelson Chamisa kuti vaite nhaurirano.

Izvi zviri kuuya apo zvinhu munyika zvaramba zvakaita manyama amire nerongo munyaya dzezvehupfumi.

VaMnangagwa vakaudza vanhu panhepfenyuro iyi kuti vanofanira kusunga dzisimbe vachivimbisa kuti zvinhu zvichaita zviri nani.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG