Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKutapurirana Hutachiwana Yonanga kuSupreme Court


Mumwe mudzimai wemuBulawayo akawanikwa aine mhosva yekutapurira murume wake hutachiwana hweHIV achinzi aizviziva, abatsirwa nemagweta anorwira kodzero dzevanhu kuti mutongo wake usapihwe uyo wange uchifanirwa kutarwa neChipiri.

Amai Samukelisiwe Mlilo vakawanikwa vaine mhosva iyi nedare ramejasitireti svondo rapfura.

Mutemo weCriminal Law Codification and Reform Act unobata nyaya dzakadai unoti munhu anenge aita zvepabonde nemumwe wake achiziva kuti ane HIV asina kumuudza, akatapurira HIV munhu waanenge aita zvepabonde baye, anogona kupinzwa mujere kwemakore makumi maviri, pasina faindi.

Uyu ndiwo mutongo wanga wakatarisana naAmai Mlilo mushure mekuwanikwa vaine mhosva yekupa HIV kumurume aimbove murume wavo vasati vasiyana.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti rakapindira panyaya iyi mushure mekuverenga nyaya iyi mumapepanhau uye kunzwa kuti mudzimai uyu akange asina gweta rakamumirira.

Sangano iri rinoti rakabva raendesa magwaro ekupikisa zvakaitika mudare richiti kodzero dzemudzimai iyi hadzina kuchengetedzwa zvakanaka paakatongwa asina gweta raimumirira.

Sangano iri rinoti rakakumbira dare repasi kuti nyaya iyi iyendeswe kudare re Supreme Court, izvo zvabvumwa nemutongi wedare VaOwen Tagu.

Gweta rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaLizwe Jamela, vanoti mutemo uyu hawuna kujeka, nokudaro vanoda kuti dare repamusoro soro riuongorore.

XS
SM
MD
LG