Accessibility links

Breaking News

Kusaitwa kweSarudzo dzeMatunhu Asina Vamiriri Kounza Mutauro


Nyaya yekunakurirana nyoka mhenyu pakusaitwa kwesarudzo mumatunhu asina vamiririri iri kuenderera mberi munyika mapato asingawirirane panyaya iyi.

Vamwe muZanu-PF, avo vakanga vachitsika madziro vachiramba kuti sarudzo dziitwe, vanonzi vava kuda kuti sarudzo dzichiitwa.

Munyori wedare reparamende, VaAustin Zvoma, vakazivisa kuti kusvika pari zvino pane zvigaro zvinosvika gumi nezvitanhatu mudare reparamende uye gumi nezviviri mudare reseneti.

Sarudzo dzakapedzisira kuitwa muna 2008. Mushure mezvo vamwe vakashaya, vamwe vakadzingwa mumapato avo uye vamwe vakapihwa zvimwe zvigaro, izvo zvakasiya dzimwe nzvimbo dzisisina vamiriri.

Dzimwe nhengo dzedare reparamende nhatu dzinoti VaAbednico Bhebhe vekuNkayi, VaNjabuliso Mguni vekuLupane, uye VaNorman Mpofu Bulilima East, vakaendesa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kudare repamusoro vachida kuti dare iri rikomekedze kuitwa kwesarudzo mumatunhu avaimirirana vasati vadzingwa mubato.

Asi VaMugabe vakabva vakwidza nyaya iyi kudare repamusoro soro vachipikisa mutongo uyu.

Asi ikozvino vakaoma musoro muZanu-PF vachitungamirwa nenhengo yePolitiburo yebato iri, VaJonathan Moyo, vave kuti vanoda kuti sarudzo dziitwe, bato rinenge rave nevanhu vakawanda, rotonga, uye kunyorwa kwebumbiro remitemo komiswa.

Sachigaro weZEC, VaSimpson Mutambanengwe, vanoti havana chavangaite sezvo VaMugabe vari ivo vanotara mazuva esarudzo.

Gweta rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaJeremiah Bamu, vanoti veZanu-PF vave kuda kuvhiringidza kuzadzikiswa kwechibvumirano chezvematongerwo enyika chakaumba hurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG