Accessibility links

Breaking News

Varimi Vachena Vanoti Vanoda Kurimwa Minda kwete Zvivakwa Chete


VaBen Gilpin vanotungamira Zimbabwe Commercial Farmers Union
VaBen Gilpin vanotungamira Zimbabwe Commercial Farmers Union

Sangano rinomirira varimi vechichena reCommercial Farmers Union rinoti kunyange hazvo richitambira chirongwa chehurumende chekuripa zvivakwa paminda yakatorerwa nhengo dzaro pasi pechirongwa chekutora minda, ringafare chose kana hurumende ikabhadharawo kutorwa kweminda yacho sezvo vakanga vakatenga minda iyi.

Mukuru wesangano iri, VaBen Gilpin, vanoti zvakaitwa nehurumende zvekuisa parutivi madhora mamiriyoni makumi mashanu nematatu ekuripa varimi ava zvakanaka chose ari mari yacho ishoma chose.

Vanotiwo vanoziva kuti bumbiro remutemo wenyika rinobvumira kuripwa kwezvivakwa chete, asi vachiti tariro yavo ndeyekuti minda pachayo inofanira kuripwa uye inhaurirano dzavari kuramba vachiita nehurumende.

Asi vanoti vanotambira chirongwa chehurumende ichi. Vanotiwo zvichitevera chiziviso chehurumende ichi svondo rapfuura, pave nevarimi vanosvika mazana mashanu vakatonyoresa kuti vapinde muchirongwa ichi.

VaGilpin vanoti vanozivawo kuti nyaya dzehupfumi dziri kunetsa munyika uye hurumende haina mari asi vanoti kuratidza chido sezvayaita izvi chinhu chakanaka.

Vanoti vacharamba vachitaura nehurumende kuti igadziridze hukama hwayo nedzimwe nyika kuti iwane rubatsiro rwemari vachiti vanoona sekuti kana izvi zvikaitika hurumende icharipa kutora kwayakaita minda kuvarimi vechichena.

Vanotiwo vangafare chose kana hurumende ikakwanisawo kupawo varimi ava minda senzira yekuripa minda yavo yakatorwa.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi, VaMasimba Kuchera vanoudza Studio 7 kuti kunyange hazvo mari iyi iri ishoma, danho ratorwa rehurumende rakakosha chose mukugadzirisa hukama hweZimbabwe nedzimwe nyika.

Vanotiwo kana vaye vanoda kubatsira hurumende vanokwanisa kuita izvi nekuti iyo yaratidza chido.

VaKuchera vanoti hava wirirani naVaGilpin kuti varungu ava varipwe kutorwa kwakaita minda yavo.

Asi vanoti hapana chakaipa kuti vaye vanoda kudzoka kuzorima vapihwe minda sezviri kungoitwavo vatema vemuno.

Imwe nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaMasimba Manyaya, vaudzawo Studio 7 kuti hurumende yave kuda kuripa varimi vechichena nenyaya yekuti yave parumana nzombe.

Vanotiwo havawoni nyika dzekunze dzichibatwa kumeso nezviri kuitwa nehurumende yaVaMnangagwa izvi.

VaMnangagwa pachavo nezuro vakati hurumende yavo haisi kuzotyora bumbiro remitemo kuti iripe kutorwa kweminda, vachiti vachabhadhara muripo wezvivakwa chete.

VaGilpin vanoti kubvira pakatorwa minda makore makumi maviri apfuura, paive nevarimi zviuru zvitatu nemazana mashanu vaida kuripwa uye varimi mazana matanhatu vakatoshaya.

Vanotiwo ongororo yavakaita yakaratidza kuti zvivakwa zvaive muminda yakatorwa nehurumende zvaikosha madhora mabhiriyoni matanhatu ane chidimbu US$6.5 billion uye minda yacho yaikosha madhora mabhiriyoni matatu nechidimbu US$$3.5 billion.

Vanoti vari kukurudzira vaye vari kutambura zvakanyanya kana vakwegura, kuti vapinde muchirongwa chiri kuitwa nehurumende pari zvino ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG