Accessibility links

Breaking News

Kusashambadza Zvakakwana Kovhiringa Kunyorwa kweBumbiro Idzva


Vari kutungamira hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika vanoti kunyange hazvo chirongwa ichi chakambobatwa nematambudziko anowanzosanganikwa nawo pose panotanga kumera mazino, zvinhu zvava kufamba zvakanaka zvino munzvimbo zhinji munyika.

Komiti yeparamende iri kutungamira chirongwa ichi inoti pamisangano mazana mana nemakumi masere yaitwa kusvika pari zvino, mishanu chete ndiyo isina kufamba sezvakanga zvakatarisirwa.

Asi vemasangano akazvimirira vanoti COPAC haisi kugadzirisa matambudziko makuru ari kusangana nevanhu, akaita sekutyisidzirwa kwevanhu, pamwe nekusashambadzwa kwemashoko kwakakwana.

Mapurisawo anonzi haasi kuita basa ravo nemazvo, sezvo ari iwo ari kutotyisidzira vanhu nekusapfeka mbatya dzavo dzebasa pavanenge vachienda kumisangano iyi.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora, vanoti vari kuedza kushanda nemapato ezvematongerwo enyika kuti adzidzise vanhu pamusoro pechirongwa ichi, uye munyaya dzekutyisidzirwa kwevanhu.

Ukuwo vanoona nezvezvirongwa zveCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisai Ruhanya, vanotiwo kunyange nyaya yenguva inofanirwa kugarwa pachigaro nemutungamiri wenyika isiri pagwaro renhaurwa, inyaya inofanirwa kunyanya kukurukurwa nezvayo nevanhu vari kupa pfungwa dzavo.

XS
SM
MD
LG