Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKunonoka kweKuenda kweMamwe Mapepa eMDC Alliance Yonetsa muDare reConstitutional Court


Vatongi vedare reConstitutional Court VaJustic Paddington Garwe naVaBharat Patel vari kubvunza gweta remutungamiri weMDC Alliance VaThabani Mpofu kuti sei mamwe mapepa akanonoka kuendeswa kumatare.

Nyaya iyi inogona kunetsa sezvo ichikwanisa kupa dare iri mukana wekuti MDC Alliance yakanonoka kuendesa mapepa kumatare nekudaro yoraswa pasina kunzwikwa humwe humbowo.

Pasi pemutemo bato iri raifanira kuendesa mapepa mukati memazuva manomwe.

Asi chikonzi chedare chinonzi chakanonoka kuendesa mamwe mapepa kune vamwe vainge vadaidzwa kudare chikaaendesa muzuva rechisere.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG