Accessibility links

Breaking News

VaGono naVaKasukuwere Vokandirana Makobvu neMatete paNyaya yeKuendesa Hupfumi kuVatema


Muhurumende yemubatanidzwa maita kusawirirana pakati pemakurukota panyaya yegwara rekutora pahurongwa hwekuendesa hupfumi kuvatema mumabhanga. Izvi zvapa kuti patange kuita kukandirana makobvu nematete.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nematongero enyika dzinoti zvave kuitika muhurumende yemubatanidzwa munongedzo wekuti hapana ari kuziva chairo gwara rehurumende zvopa kuti ave mazvake mazvake mimba yebere.

Gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, vakanyora gwaro mubepa rehurumende reGovernment Gazette vachiti vainge votora zvikamu makumi mashanu nechimwe mumabhanga ekunze akaita saana Barclays Bank neStandard Chartered Bank.

Asi izvi zviri kurambwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan tsvangirai, gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, vachitsigirwa negurukota rezvemari, VaTendai Biti.

Vatatu ava vachitsigirwawo negurukota rezvedzidzo, VaDavid Coltart, avo vanoti VaKasukuwere havasi kuziva gwara rehurumende panyaya yekuendesa hupfumi kuvatema.

VaTsvangirai vanoti pasi pemutemo kuburikidza neCouncil of Ministers, ivo ndivo vanofanira kuudza vakasukuwere zvekuita kwete kuti vaite madiro ajojina.

Asi chipangamazano chaVaKasukuwere munyaya dzemitemo, VaPsychology Mazivisa, vanoti VaKasukuwere ndivo vane simba iri pamutemo.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi inoshanda yakazvimirira, VaLuxson Zembe vanoti kuda kungotora zvikamu zvakawanda mumabhanga zvinogona kupa kuti nyika iende kumawere.

XS
SM
MD
LG