Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere Vanoti Hurumende Yatora Hupfumi hweMakambani eMigodhi Asingatevedzeri Mirawu


Gurukota rinoona nezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, vakazivisa neChina mutsamba yakabva kubazi ravo kuti makambani ose emigodhi asina kupa hurumende hurongwa hwavo hwekupa vatema zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana, kana kuti 51%, ave pasi pehurumende.

Asi hofisi yemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, yaramba mashoko aya ichiti mutemo wenyika haubvumidzi zviri kunzi zvaitwa naVaKasukuwere.

MDC yaVaTsvangirai inoti mutungamiri wehurumende mbune ndivo vanotungamira kudzika mitemo. MDC inoti makambani haafanirwe kutya zviri kutaurwa naVaKasukuwere.

VaKasukuwere vanoti mari dzose dziri kuitwa nemakambani emigodhi aya kubva ikozvino dzinofanirwa kuiswa muhomwe yehurumende.

VaKasukuwere vanoti vanenge vatadza kutevedzera izvi vachasungwa.

Asi mune imwe hurukuro yavaita ne vatori venhau veAFP VaKasukuwere vanonzi vati vange vachida kungotyisidzira vemakambani ava. Asi pavabatwa neStudio7 VaKasukuwere vati makambani aya atorwa nehurumende uye hapana zvekuatyisidzira.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nemutemo dzinoti zviri kuitwa navakasukuwere hazvisi pamutemo uye kungoda kutyisidzira vemakambani aya.

Vakawanda vanoti kunyange VaKasukuwere neveZanu-PF vari kuramba vachiti hupfumi huende kuvatema, havana mari yekubhadhara makambani yekuti vatenge zvikamu zvakawanda, izvo zvava kupa kuti vaite zvehondo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, sezvo vanga vasingadaire nharembozha yavo.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaGodfrey Kanyenze, vanoti zvoitwa naVaKasukuwere kuda kupinda nemwenje mudziva.

Asi chipangamazano muhofisi yaVaKasukuwere, VaPsychology Mazivisa, vanoti makambani aya akapihwa nguva yakawanda yekugadzirisa zvinhu nekudaro hapana chekuchema chema kana otorerwa zvimwe zvikamu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachiona nezvegwara remusangano muMDC-T, VaCharles Mangongera, vanoti zviri kuitwa naVaKasukwere ndezvekuda kutsvaga rutsigiro munguva yesarudzo.

XS
SM
MD
LG