Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKudzorera Hupfumi kuVatema Yokonzera Mutauro


Nyaya yekutorwa kwehupfumi mumakambani evarungu nevekunze kwenyika huchiendeswa mumaoko evatema, yakonzera mutauro wakanyanya munyika.

Vamwe vanoti iyi yave shiri ine muririro wayo sezvo ari mabasa eZanu-PF ekuda kukohwa paisina kurima kana yoda kutsvaga rutsigiro musarudzo.

Asi vamwe vanoti hapana chakaipa kuendesa hupfumi kuvatema uye vanhu havangatyire kuti hurongwa uhu huitwe vachityira kuti panozoita nyaya yehuori.

Pane nyayawo dzezvematongerwo enyika dzekuti gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaSavior Kasukuwere, vakangoita rwendo rwembwa kuburitsa zvisungo zvemutemo uyu, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasina kusumwa sezvinodiwa nechibvumirano cheGlobal Political Agreement.

Programmes Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisai Ruhanya, vanoti zviri kuda kuitwa izvi hazvina nematuro ose.

Asi gavhuna weMashonaland Central, uye vari nhengo yeZanu-PF, VaMartin Dinha, vanoti vari kushora chirongwa ichi vanhu vasingadi kuti vatema vadye hupfumi hwavo.

Nyaya yekutora zvikamu zvemasheya mumakambani evachena iri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa. Nyaya iyi yanga ichafanirwa kuzeyiwa neChina, asi zvinonzi yava kuzotaurwa nezvayo nekanzuru yemakurukota, Council of Ministers, svondo rinouya.

Kanzuru iyi inotungamirwa naVaTsvangirai. Nyaya iyi inonziwo iri kutaurwa mudare remakurukota (Cabinet) iro rinotungamirwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

XS
SM
MD
LG