Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeHurumende Yekumanikidza Makombi Kushanda neZUPCO Yokonzera Mutauro


Zupco Mutare
Zupco Mutare

Danho rehurumende rekuda kumanikidza vose vane makombi kuti vashande vari pasi pekambani yeZUPCO iyo iri kutatarikawo rakonzera mutauro wakanyanya munyika.

Vamwe vanoti iri idanho rakanaka asi vamwe vachiti uku kukoka mhepo wakatakura mamera mutswanda.

Pari zvino ZUPCO ndiyo chete iri kubvumidzwa kutakura vanhu munguva ino yecoronavirus.

Vachitaura kuruzhinji neMugovera nezvematanho ekurwisa chirwere checoronavirus, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati ZUPCO chete ndiyo inobvumidzwa kushanda parizvino.

Gurukota rinoona nezvematunhu VaJuly Moyo vakamboudzawo nhepfenyuro yeZBC kuti vemakombi kana vachida zvekutakura vanhu vanofanira kushanda vachiita mushandirapamwe neZUPCO.

Vamwe muhurumende vanoti mudhorobha vemakombi vange voita madiro aJojina vakaisa miswe nekoko uye kuda kuvati vatakure vanhu vashoma nguva ino kusiya mapera akarinda chitunha.

Mashoko aya anotsinhirwa nemutauriri wesangano reChitungwiza Commuter Omnibus Operators Association, VaFarai Muza vanoti zvinobatsira veruzhinji vemakombi vakashanda neZUPCO.

Asi mumwe ane makombi, Bishop Shelton Mudyaro veShekkaianah Glory Ministries Global vanoti zvekushanda vari pasi peZUPCO hazvina zvazvinovabatsira vachiti kambani iyi inovapa mari dzemaRTGS asi vachida mari yekunze kutenga zvekugadzirisa motokari dzavo kana dzisiri kushanda zvakanaka.

Pose panorwa nzou, huswa ndihwo hunonzwa nekutsokodzerwa, kunetsana kwevamakombi nehurumende kwapa kuti vashandi vaomwere nezvinhu sematauriro emunyori mukuru musangano reZCTU VaJaphet Moyo vanoti vashandi vave kusvika kumba pakati pehusiku nekuda kwekushaya zvekufambisa.

Mutungamiri wesangano revanotakurwa nemabhazi nemakombi rePassanger Association of Zimbabwe VaTafadzwa Goliati vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kune veruzhinji vave kumanikidzwa kukwira marori zvinogona kupa kuti vatapurirwe zvirwere sezvo vamwe vemarori vasiri kuvhenekwa hutachina hwecoronavirus kunyangwe vachingofamba famba.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG