Accessibility links

Breaking News

Nhaka Yokonzera Mutauro Mukuru muZimbabwe


Vakuru vanoti chako ndechako pfuma yenhaka inoparadza hukama. Ichi ichokwadi sezvo nyaya yenhaka iri kukonzera makakatanwa mumhuri dzakawanda munyika.

Svondo rino nyaya yange iri mudariro yanga iri nyaya yegurukota rezvekubatana kwematunhu, Amai Priscilla Misihairambwi-Mushonga, avo vakati vageza maoko saPirato panyaya yenhaka yemurume wavo, VaChristopher Mushonga, mushure mekutadza kuwirirana zvachose nehama dzemurume uye vana vavahosi.

Vamwe vanotiwo mitemo inochengetedza vanhukadzi panyaya yenhaka iripo, asi hapana munhu ari kuitevedzera. Zvinonziwo nyaya yehudyire ndiyo inonzi yapa kuti vana nemadzimai vashaye chouviri kana baba vafa.

Zviri kuitika kuvanhukadzi zviri kuitikawo kuvanhurume avo vanotorerwawo nhaka yose nehama dzemudzimai kana mukadzi achinge afa.

Muzvare Slyvia Chirau, avo vanoshanda nesangano reWomen In Law in Southern Africa, inyanzvi munyaya dzemitemo yenhaka. Muzvare Chirau vanoti nhaka yanga isina kushata muchivanhu, asi mazuva ano vanhu vava kuita hunjire kana hama yafa.

Nyanzvi munyaya dzetsika nemagariro evanhu, Professor Gordon Chavhunduka, avo vanotungamira sangano reZINATHA, vanoti hundyire ndiwo huri kukonzera kunetsana mumhuri.

Muzvare Chirau vanotiwo mitemo yekuchengeta vana nemadzimai iripo, asi haisi kutevedzerwa.

XS
SM
MD
LG