Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi muNyaya dzezveHupfumi neMagweta Voshora Mutero waVaMthuli Ncube


Muzvinafundo Mthuli Ncube

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvemitemo uye dzezvehupfumi dziri kushora zvikuru danho rehurumende rekubata mari dzemitero dzakatarwa nehurumende svondo rapera muchirongwa chakaparurwa negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube chekubata mari zvikamu zviviri muzana pamari yese inoshandiswa pamhepo seEcocash, One Wallet ne Telecash.

Kambani huru yemari yembozhanhare yeEcocash, yakazivisa nezuro kuti kutanga pakati pehusiku hwapfuura, yave kutanga kubata mari idzi sekudiwa kwazvo nehurumende.

Hurumende yakaudza bepanhau reHerald nezuro kuti iri kutarisira kuunganidza mari inopfuura mabhiriyoni matatu emadhora nemitero iyi.

Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries (CZI) VaSifelani Jabangwe vakaudzawo vatori venhau mumusangano wavakaita nezuro kuti chero hurumende ikawana mari idzi, chikuru ndechekuti ishingirire kudzikisa zvikwereti kuti nyaya dzehupfumi dzigadzirisike munyika.

Gweta rine mukurumbira muHarare VaChris Mhike vanoti zvakaitwa ne hurumende hazvisi pamutemo nekuti dare ndiro rinofanira kuvanduza mitemo.

Imwewo nyanzvi mune zvehupfumi, VaJohn Robertson vanoti mutero uyu uchakonzera kusagadzikana mune zvemabhizinesi munyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, vachidzidzisa ku Devry University kuOhio, Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti hurmende inofanirwa kutsvaga dzimwe nzira dzekupedza matambudziko ari munyika kwete kuwedzera nhamo kuvarombo vagara vachinetseka nemamriro akaita zvinhu munyika nechekare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG