Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Musangano weSADC


Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti hadzioni musangano weSADC, uyo uri kutarisirwa kuitwa kuNamibia kutanga kwesvondo rinouya, uchiburitsa chimuko panyaya yeZimbabwe, sezvo zvinhu munyika zviri kuratidza kuti zviri kufamba zvakanaka, kunyange hazvo paine twumatambudziko pano nepapo.

Bato reMDC rinonzi rakatarisira kumusangano uyu kuti ugadzirise zvinetswa zvasarira pakuzadzisa chibvumirano cheGPA. Ukuwo mutauriri wemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, VaGeorge Charamba, vanonziwo vari kuti nyaya yeZimbabwe haisi kuzotaurwa nezvayo kumusangano uyu, vachiti chichaitwa chete nemuyananisi, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, kuzivisa musangano uyu pavasvika nenyaya yeZimbabwe.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari Programs Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisai Ruhanya, vanoti SADC yagara isingatore matanho anodikanwa panyaya yeZimbabwe.

Izvi zvinowiriranawo nemafungiro eimwe nyanzvi munyaya yezvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, avo vanotiwo MDC haifanirwe kungomhanyira kuSADC nezvinhu zvidikidiki, zvavanokwanisa kugadzirisa muhurumende, asi kuti inofanirwa kuratidzawo Zanu PF kuti ibato rakasimba, rinozvimirira.

XS
SM
MD
LG