Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Nyaya Yekuti Bumbiro reMitemo Rovandudzwa Kuti VaMnangagwa Varambe Vachitonga


VaEmmerson Mnangagwa naVaNelson Chamisa
VaEmmerson Mnangagwa naVaNelson Chamisa

Munyika maita mutauro wakanyanya mushure mekunge vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu-PF, VaObert Mpofu, vataura svondo rapera pamusangano wevechidiki veZanu-PF kuKadoma kuti vanoda kuti bumbiro remitemo yenyika rivandudzwe kuitira kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatonge kudarika matemu maviri.

Mamwe magweta esangano rinoona nezvemabasa eparamende reViritas anoti bumbiro remitemo yenyika pari zvino rinoti munhu anokwanisa kuva mutungamiri wenyika kwematemu maviri emakore mashanu kana kuti makore gumi chete.

Asi kana vari kutonga vachida kuri vandudza vanofanira kuenda kureferendamu uye kuvhoterwa nevanhu vanodarika makumi matanhatu nematanhatu kubva muzana kana kuti two thirds majority mudare reparamende.

Bepanhau reNewsday rinoti VaMpofu vakataura mashoko aya svondo rapera kuKadoma pamberi paVaMnangagwa avo vakatsinhira kuti bumbiro remitemo yenyika rinokwanisa kuvandudzwa.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Asi VaMpofu vaudza Studio 7 kuti zvavakataura izvi ipfungwa dzavo kwete dzebato reZanu-PF.

Vati zviri kuvanhu veZimbabwe kana vachida kuti VaMnangagwa varambe vari panyanga.

Vakatungamira mukunyorwa kwebumbiro remitemo uye vari mutevedzeri wemunyori wezvekudyidzana nedzimwe nyika muMDC, Senator Douglas Mwonzora, vanoti bumbiro remitemo harifanire kungoiswa iswa zvigamba uye zvinhu zvakaoma kuti bumbiro remitemo yenyika rivandudzwe kuitira kuti VaMnangagwa varambe vari panyanga.

Asi munyori wezvemitemo mubato reZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti zvinogona kuitwa asi vakati VaMnangagwa havana kumbotaura kuti vanoda kuramba vari pachigaro kana matemu avo maviri apera.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora naVaMunyaradzi Paul Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG