Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Hurongwa hweKudzora Dhora Munyika


VaTendai Biti

Hurumende yakazivisanemusi weMuvhuro kuti vanhu vanenge vave kusungirwa kuti vashandise mari yemunyika chete yemaRTGS.

Izvi zvakonzera kusawirirana munyika vamwe vachiti zvakanaka asi vamwe vachiti kwave kuita kwewashaya kutsvaga uta nemugate.

Vachitaura kuVictoria Falls kumusangano wemhuka dzemusango kana kuti Africa World Summit, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaudza vanhu kuti Zimbabwe yave nyika yagadzikana sezvo yave nemari yayo.

Vati vanofanira kuroverwa maoko kuti vakwanisa kudzora dhora remunyika.

Asi vaimbova gurukota rezvezvehupfum, VaTendai Biti, vanova mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, vanoti danho rakatorwa nehurumende harishandi zvachose.

Mashoko aya atsinhirwa nemutungamiri webato rinopikisa reMavambo Kusile Dawn, Dr Simba Makoni, avo vakambovewo gurukota rezvemari.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paNelson Mandela Metropolitan University, Muzvinafundo Gift Mugano, vatiwo zviri kuitwa nehurumende hazvinapundutso.

VaMakoni vanoti zviri pachena kuti chiriporipocho chakaitwa nehurumende munongedzo wekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka vachiti nyaya yevashandi vehurumende vainge vati vanoda mari yekuAmerica yemuhoro ndizvo zvapa kuti hurumende ibve yachinja mutemo.

Dr Makoni vanotiwo zvakaitwa nehurumende hazvisi pamutemo sezvo yaifanira kutanga yaenda kudare reparamende kunovandudza mutemo wakadzikwa muna 2009 kuti mari dzose dzishandiswe munyika kusanganisira yeAmerica, South Africa, Botswana nedzimwe.

Mashoko aya atsinhirwa naVaBiti avo vati vambosimudza nyaya iyi mudare reparamende.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaCallisto Jokonya, vanoti zvakaitwa nehurumende hazvina kuipa.

Mashoko aVaJokonya atsinhirwawo namuzvinabhizimisi VaGilbert Muponda, avo vanova nhengo yeZanu PF yakakwikwidza ikakundikana musarudzo yekutsvaga mumiriri weWarren Park muparamende.

Asi Dr Makoni vanoti zvinoshamisawo kuti sei gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vari kuchinja chinja.

Muzvinafundo Mugano vanotiwo zvaitwa izvi zvikasabudirira VaNcube vanenge vazvikanda mukanwa mamupere.

Zimbabwe yakapedzisira kushandisa mari yayo chete muna 2009 sezvo dhora range ranyanyaya kushaya simba.

Ko zvaitwa zvingashande here?

Vanopikisa vanoti kupedzera hoko padehwe retsindi. Asi vehurumende vanoti imbwa hora haifunidzi nhando.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG