Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoyambira Hurumende Kuti Isadhinde Mari Sezvo Zvichipa Kuti Ishaye Simba Zvakare


Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kudhindwa kwemari yemadhora makumi mashanu kuri kuda kuitwa neReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, kunogona kupa kuti dhora renyika rishaye simba sezvo zviri pachena kuti Zimbabwe haina mari yekuita zvirongwa zvakasiyana siyana zvokonzerwa nechirwere cheCovid-19.

Asi gavhuna weRBZ, VaJohn Mangudya, negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube, vanoti havasi kuzodhinda mari yakawandisa.

VaMangudya vanoti chikonzero chiri kupa kuti vadhinde mari yemakumi mashanu emadhora ndechekuda kurerutsira vanhu kuti vasatakure mari yakawanda asi vachiti havasi kuzoita zvaiitwa kare zvekurara vakadzvinya muchina wekudhinda mari.

Pari zvino mari iri kushandiswa inosanganisira madhora maviri, mashanu yakakurisa iri makumi maviri chete.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti vanotenderana neRBZ kuti munyika mave kudiwa imwe mari inehuremu huri pamusoro.

Zvimwe zviri kutyirwa kuti zvinogona kukonzera kudhindwa kwemari nehurumende inyaya yekuti mari iri mubhajeti regore rino haikwane izvo zvowedzerwawo nekuvharwa kwemakambani nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Zimbabwe National Chamber of Commerce yakatoyambirawo hurumende kuti isandhinde mari yakawandisa sezvo zvichigona kukonzera kuwondonoka kwehupfumi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti nyika dzine zvikwereti dzakaita seZimbabwe dzikaita tsika yekudhinda mari ichikwereta imwe kuburikidza nemabhondi anotengeswa nebhana reRBZ zvinopa kuti hupfumi hubva hwaenda kumawere.

Vaimbova gavhuna weRBZ, VaGideon Gono, vakamboita izvi zvakapa kuti dhora renyika rishaye simba mitengo yezvinhu ichiwedzerwa katatu pazuva.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG