Pazororo rekisimusi njodzi dzakawanda dzinowanzoitika dzichiuraya nekukuvadza vanhu vakawanda.
Asi imwe nyanzvi munyaya dzehutano, Dr Josephat Chiripanyanga, vanoti kana tsaona yaitika, vanhu vose vanenge vakuvara vanofanira kurariswa nedivi rokuruboshwe nokuti zvinobatsira kuti vakarutsa, vasazomedza marutsi avo achienda kumapapu.
Dr Chiripanyanga vanoti kana pane vanenge vakuvara zvokubuda ropa, vanhu ava vanofanirwa kusungwa nemicheka yakachena panzvimbo inenge ichibuda neropa.
Vaenderera mberi vachiti kana tsaona yaitika, vanhu vanofanira kufonera amburenzi nekukurumidza kuitira kuti itakure vanhu vakuvara nokuti vakatakurwa nevanhu vasina ruzivo, vanogona kuwedzera kukuvara kunenge kwaita munhu mutsaona.
Dr Chiripanyanga panguva yezororo rekisimusi negore idzva, tsaona dzinowanda nokuti dzimwe nguva migwagwa inenge ichitsvedza kuburikidza nekunaya, uye mimwe migwagwa inenge iine makomba anogona kukonzeresa tsaona.
Vanotiwo vatyairi vedzimotokari vanofanirwawo kuona kuti mavhiri emotokari dzavo anokodzera kushandiswa, uye kuti vasanwe zvinodhaka, pamwe nekusashandisa nharembozha apo vanenge vachityaira motokari dzavo.
Mumwe mugari wekuWestlea, Muzvare Anesu Charakupa, vanoti kuita nzendo panguva ino yezororo zvinotyisa nokuti munhu wese anenge achida kuenda kunoshanyira hama neshamwari zvokuti ivo vanoti vachamirira kusvikira mari yekuti vakwire ndege ikwane, vozoenda kuSouth Africa.
Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvehutano, Dr Ruth Labode, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara zvehurumende, nokudaro vanhu vanofanirwa kungwarira kusapinda mutsaona dzemumigwagwa.
Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti mapurisa anoedza kuderedza tsaona nekuisa mapurisa akawanda mumigwagwa anenge achiona kuti vatyairi havasi kutyora mitemo yemumigwagwa.
Asi VaNyathi vanoti vatyairi vazhinji vanongoti vakabva pane road block, vanobva vatanga kumhanyisa zvakanyanya motokari dzavo, kana mabhazi, izvo zvinozokonzera kuti tsaona dziitike mumigwagwa.
Gore rapera, vanhu vanodarika makumi matanhatu nevasere vakafa mutsaona yemumigwagwa munguva yezororo rekisimusi negore idzva.
Facebook Forum