Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Zimbabwe Ngaishandise Dhora rekuAmerica neKuti RBZ Yakundikana Kusimbaradza remuNyika.


Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hurumende inofanira kungobvumidza vanhu kushandisa dhora rekuAmerica nekuti zvave pachena kuti matanho ari kutorwa neReserve Bank of Zimbabwe kuda kusimbaradza dhora reZimbabwe ari kukundikana uye zvinhu zvave kudhura zvakanyanya.

Gurukota rezvehupfumi Muzvinafundo Mthuli Ncube vari kutarisirwa munguva pfupi inotevera kuti vataure nzira dzekuyedza kusimbaradza hupfumi hwenyika uye kuti mitengo yezvinhu isarambe ichikwira zvakanyanya.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanoti nemamiriro aita zvinhu munyika zviri nani kuti Zimbabwe ingoshandisa zvayo dhora rekuAmerica. Vanoti dhora reZimbabwe haringasimbe pasina zvinhu zvakawanda zviri kutengeswa kunze kwenyika.

Mitengo yezvinhu iri kukwira zvakanyanya semuenzaniso, makirogiramu maviri eshuga aitengeswa nemadhora maukumi matanhatu nemanomwe 67 ZWD ave kuita madhora zana nemakumi matatu nemapfumbamwe kana kuti 139 ZWD asi shuga iyi yave kuwanikwa pamusika mutema chete zvimwe chete nehupfu.

Mupunga waiita madhora makumi mapfumbamwe nemashanu 95 ZWD wave kuita zana remadhora rine makumi maviri nemaviri 122 ZWD. Mhuri ine vanhu vashanu mwedzi wapera yainge yave kuda mari inosvika zviuru zvitanhatu nemazana mana kana kuti 6,420 ZWD kuti irarame. Asi mushandi wepasi muhuurmende ari kutambira zviuru zviviri nemazan amashanu kana kuti 2, 500 ZWD pamwedzi.

Financial Intelligence Unit kana kuti FIU yeRBZ yakatorawo danho rekuti ZIPIT sezvakaitwa ECOCASH idzikise zvakanyanya mari inotorwa nevanhu pazuva uye pamwedzi senzira yekuyedza kusimbaradza dhora renyika iro riri kushaya simba.

FIU inoti munhu anofanira kutora mari inosvika madhora emunyika zviuru makumi maviri 20,000 ZWD pazuva uye zviuru zana kana kuti 100, 000 ZWD pamwedzi kwete kuti munhu akwanise kutora kana mamiriyoni matatu pamwedzi. Mari iyi inonzi yange yave kuendeswa pamusika mutema.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaMasimba Kuchera vanoti zviri kuitwa neRBZ zvinoshanda kwenguva pfupi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Prosper Chitambara vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vanoti danho reRBZ rave kukanganisa vamwe vemabhizimisi vakaita sevemabhizimisi epakati nepakati nemakuru.

Muzvinafundo Mugano vanoti nyaya yehuori ndiyo yapa kuti musika mutemo uite chamurambamhuru.

Mashoko aya atsinhirwa nenyanzvi munyaya dzezvemabhanga vari nhengo yeZanu-PF VaGilbert Muponda vataura vakazvimirira vati vanhu vari kuita zvechioko muhomwe vanozivikanwa.

Mutungamiri wesangano revashandi reEmployers Confederation of Zimbabwe Industries Doctor Israel Murefu vanoti panoda dare rekuzeya nyaya iyi kwete kuita fungira mumoyo rwendo rwembwa nekuti zvinoguma zvokanganisa vemabhizimisi.

Mushure mekumbopedza makore gumi isina mari yayo, nyika yakadzora dhora rayo gore rapera kunyangwe nyazvi munyaya dzezvehupfumi dzaiyambira kuti uku kukoka mhepo wakatakura mamera murusero.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG