Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Kutadza Kutungamira Kwodzorera Africa Kumashure muNyaya dzeZveHupfumi


VaKwame Nkrumah
VaKwame Nkrumah

Zimbabwe nemusi weChipiri yakabatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva reAfrica Day pasi pedingindira rakanangana nekukurudzira tsika nemagariro nechinangwa chekuvaka hwaro dzeAfrica inodiwa nevatema vose.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti chido chemumwe akatungamira mukumbwa kwesangano reOrgnanization of Africa Unity kana kuti OAU vaive mutungamiri wenyika yeGhana mushakabvu Kwameh Nkrumah chekuti Africa ibatane mukusimudzira hupfumi hwayo hachizozadzikiswe kana pasina hutongo hwejekerere nekurwisa huori uye hutungamiri hune njere sedzaSoromini.

Nyaya yechirwere cheCovid-19 yapawo kuti Zimbabwe nedzimwe nyika dzemuAfrica dzibve dzasarira zvakanyanya munyaya dzebudiro. Dzimwe nyanzvi idzi dzinoti Africa yakawana rusungunuko rwemireza mitsva chete kwete rwehupfumi. Ko chii chaizvo chinoda kuitwa neZimbabwe nenyika dzemuAfrica kuti dzisave nyika dzekupemha?

Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga VaGilbert Muponda vatiwo kunyangwe Africa iri kupemberera pachine rwendo rurefu nekuti haisati yave nerusungunuko munyaya dzezvehupfumi.Vatiwo Africa inofanira kukwenenzvera zvainotengesa kunze kuti iwane mari yakawanda. Vaenderera mberi vachiti nyika dzemuAfrica dzinofanira kusimudzira nyaya yekutengeserana pakati padzo.

Mutungamiri weEmployers of Confederation of Zimbabwe vanoti panoda kugadziriswa nyaya yemigwagwa, mvura nezvimwe kusimudzira nyaya dzebudiro. Vakurudzirawo vatungamiri venyika dzemuAfrica kuti vazvipire mukurwisa huori.

Nyazvi munyaya dzezvehupfumi VaVictor Bhoroma vatiwo panoda hutungamiri hune njere dzakapinza sedzaSoromoni. VaBhoroma vati Africa haifanire kuramba ichikwereta mari kunze yozotatarika kuibhadhara.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinotiwo mudzimu wakupa chironda wati nhundzi dzikudye dzichiti Africa ichanyanya kudzokera kumashure munyaya dzezvehupfumi nekuda kwekupararira kwechirwere cheCovid-19 uye kunonoka kuwana nhomba yekurapa chirwere ichi.

Kusvika parizvino vanhu vanodarika mamiriyoni mana nezviuru mazana manomwe kana kuti 34,7 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica uye vanhu vanodarika zviuru zana nemakumi maviri nemasere ane zviuru mazana manomwe kana kuti 128, 700 vafa nechirwere ichi.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG