Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Kusarara neNyaya yeMagetsi Kunogona Kukonzera Zvirwere


Hotel Test Sleeper
Hotel Test Sleeper

Kudzimwa dzimwa kuri kuitwa magetsi neZESA munyika yese kuchavhiringidza hutano hwevanhu vakawanda nokuti vanhu vazhinji havasi kuwana zororo sezvo varikushanda nguva dzavanenge vachifanira kunge vakazorora.

Kambani yeZESA irikudzima magetsi kubva na6am kusvikira na11pm zvokuti vanhu vazhinji vanoita mabasa emaoko kana mudzimba vave kushanda kana magetsi auya usiku hwese kusvikira panodzimwa magetsi mangwanani.

Studio 7 yakataura nenyanzvi munyaya yezvehutano hwepfungwa vanova zvakare mukuru wesangano reZimbabwe National Association for Mental Health kana kuti Zimnamh, VaIgnatious Murambidzi, neimwe nyanzvi yehutano VaJosephat Chiripanyanga nomusi wechishanu vakati munhu anofanira kuvata kwemaawa masere kuitira kuti muviri ugare wakagwinya. Mutori wenhau wedu Kiri Mudzamiri anotipa nyaya izere.

VaMurambidzi vanoti kushaika kurikuita magetsi kurishaisa pfungwa zororo sezvo vanhu varikushanda maawa akapfuurikidza izvo zvinozokwanisa kukoka zvimwewo zvirwere zvinenge sugar diabetes neHigh Blood Pressure muneramangwana.

VaMurambidzi vanoti mamiriro ezvehupfumi hwenyika arikukonzerawo zvakare kuti vanhu vagare varikumhanyamhanya zvokutoshaya nguva yokuzorodza nhengo dzomuviri dzavo.

VaMurambidzi vanoti chero vana vechikoro varikutoshayawo nguva yokunatsoita dzidzo dzavo zvakanaka nemhosva emararamiro aripo mazuva ano okushaya magetsi okuti vaverenge mabhuku avo.

VaMurambidzi vanoti nyaya yekusavata zvichikonzerwa nekudzimwa kwemagetsi uku kurikunyanya kushungurudza vakadzi kudarika varume.

Imweyo nyanzvi munyaya dzehutano Dr Josephat Chiripanyanga vanoti vanhu vanoshaya zororo nenyaya yokushanda zvakapfuurikidza vanoguma vaita zvirwere zvepfungwa nokuti vanenge vashungurudzikana kwenguva yakareba.

Dr Chiripanyanga vanoti kushaya nguva yokunatsozorodza muviri kune njodzi pabasa zvikuru kune vaye vanoshandisa mishina yemagetsi.

VaMurambidzi vanoti dambudziko rerwere vepfungwa ririkuratidza kuti rakomba muZimbabwe sezvo nzvimbo dzinochengeterwa vanhu vanenge varwara nepfungwa kuRuwa, Glenview nekuBeatrice, dziri pasi pesangano ravo reZimbabwe National Association for Mental Health dzakazara nevarwere.

VaMurambidzi vanotiwo zvakare zvipatara zvehurumende zvinorapa varwere vepfungwa zvinoti Ngomahuru yekuMasvingo neIngutsheni kuBulawayo zvakazarawo nevarwere zvichinyanya kukonzerwawo nevechidiki varikunwa nekuputa zvinodhaka.

Gurukota rehutano Dr Obediah Moyo vanoti vanhu vanodarika mirioni vanorwara nepfugwa munyika asi vamwe vazhinji havazive kuti kurapwa vachipiwa mishonga vachigara havo kudzimba dzavo.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG