Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Kumbovharwa kweNyika Koburitsa Pachena Kuti Zimbabwe Haina Hurongwa heKubatsira Varombo


Kunyange hazvo nemusi weMuvhuro mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakarerutsa mitemo yekuti vemabhizimisi vaite basa, zvinhu munyaya dzezvehupfumi hazvina kumira zvakanaka vamwe vachiti hurumende haina hurongwa hwakajeka kwekubatsira varombo munguva dzakaoma.

Nyanzvi idzi dzinoti kuvhurwa kwemabhizimisi hakureve kupera kwenhamo.

Kunyange hazvo gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakati vari kutarisira kuti hupfumi hukure nezvikamu zvinodarika zvinomwe kubva muzana kana kuti 7,4%, sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce razivisa kuti hupfumi huchatodududza kumashure huchienda kusvika paminus 6 kana kudarika mugore rino.

Sachigaro weCEO Africa Roundtable, VaOswell Binha, vatenda kuti kumushandi zvinhu zvakaita mhidigari nekuti Zimbabwe haina kuisa homwe parutivi yekubatsira vanhu kana zvinhu zvaoma.

Munyori mukuru musangano reZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti mushandi ari kutsenga mhandire nemavende sezvo mamwe makambani ari kuramba kubhadhara vashandi achiti hapana basa riri kuitwa.

Mutungamiri wesangano revashandi reEmployers Confederation of Zimbabwe, kana kuti Emcoz, Doctor Israel Murefu, vatambira danho rekuvhurwa kwemabhizimisi vachitiwo zvinhu zvange zvaomera vemabhizimisi.

Mashoko aya atsinhirwa nemunyori mukuru werimwezve sangano revanozviitira mabasa emaoko, reZimbabwe Chamber of Informal Economy Association, VaWisbon Malaya, avo vati vange voponderwa musaga sekitsi nekuti zvekudya zvange zvoshaika vari mudzimba.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti zvinhu zvange zvisina kumira zvakanaka munyaya dzezvehupfumi vachitiwo kusabatsira vanhu sezviri kuitwa kuSouth Africa neAmerica kuri kupa kuti vashandi muZimbabwe vanonge svosve nemuromo.

Gurukota rinoona nezvevashandi nemagariro evanhu, Muzvinafundo Paul Mavima, vanoti hurumende iri kubatsira vanhu kuburikidza nemasangano akaita seWorld Food Program, WFP, nePlan International kubatsira vanoshupika.

WFP iro kupemha mari inosvika mazana maviri nemakumi mashanu emamiriyoni emadhora ekuAmerica, kana kuti US$250 million yekubatsira vanhu vemuZimbabwe nechikafu.

Hurumende iri kurudzira vanhu kuti vanyorese nebazi rezvemagariro evanhu uye inoti yakabatsira mhuri dzinodarika zviuru mazana maviri nemakumi manomwe nezvitanhatu, kana 276 000.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG